WFP yotsigira mabasa evarimi 65k

21 Jun, 2023 - 14:06 0 Views
WFP yotsigira mabasa evarimi 65k Sangano reWorld Food Programme (WFP) riri kutsigira varimi vadiki nezvirongwa zvinosanganisira kurimwa kwemiriwo mumapindu.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reUnited Nations World Food Programme (WFP) riri kutsigira vanhu vanodarika 65 000 – kunyanya varimi – vari kunzvimbo shanu dzinotambudzwa nenzara pasi pechirongwa chehomwe yemari inosvika US$8.7 miriyoni izvo zvichaona vachibatsirika nezvekudya kwemwedzi mitanhatu inotevera, pakati pezvimwe.

Rubatsiro urwu rwakauya kuburikidza nesangano reUnited States Agency for International Development (USAID) uye vachabatsirwa vari munzvimbo dzinoti Kariba, Masvingo, Mwenezi, Rushinga neZvishavane.

Mari iyi ichashandiswa mukutsigira vari pasi pechirongwa cheWorld Food Assistance for Assets Activities apo vachawaniswa chikafu kuti vakwanise kudzokera kumabasa, zvikuru varimi vadiki avo vanoda kutsigirwa munyaya dzezvivakwa uye mimwe midziyo yekushandisa mumabasa avo.

“Rutsigiro rwakakura urwu rwuri maringe nekuwanisa veruzhinii chikafu. Tinofara zvikuru kuti tishande nesangano reWorld Food Programme mukuzadzikisa zvishuviro zveveruzhinji, kunyanya vagari vekumaruwa,” vanodaro VaRamses Gauthier vanova USAID acting mission director.

Pasi pechirongwa ichi, veruzhinji vachawaniswa chikafu chinosanganisira hupfu, bhinzi nemafuta.

Vanowaniswa zvekare ruzivo maringe nekuchengetedzwa kwemari, midziyo uye kuvandudza chikafu kuti chizoshandiswa munguva inotevera nenzira yakadai sekuomesa nekuisa mumagaba vachibatsirwa zvekare mukutsvaga misika.

“Tinofara zvikuru nerutsigirwo rwuri kupihwa vanhu vanotambura munyika kuti vakwanise kukunda nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze uko kuri kuramba kuchikanganisa goho. Chinhu chakanyanya kukosha kutsigirwa kwevanhu munharaunda kwete nechikafu bedzi, asi kuwaniswa ruzivo rwekuti vave vanozvimiririra mune remangwana mukurwisa nzara nehurombo kuitira kuti vasazoramba vachingomirira kupihwa rubatsiro,” vanodaro VaGauthier.

Vanoti varimi vazhinji vanopona nekurima vachitengesa pamwe nekudya nemhuri asi kana vakashaya zvinovakwanira panguva yekurima, vanoguma votambudzwa nenzara.

Kubvira mugore ra2011, vanhu vanodarika 1, 2 miriyoni mumadistricts 30 vakabatsirikana zvikuru nechirongwa cheWFP – Supported Productive Assets.

WFP yakavakisawo madhamu madiki anosvika 400 nemizinda yemadiridziro 80 izvo zvakabatsira mukuvambwa kwemabindu emiriwo ane mahekita 520 kumativi ose enyika.

Pamusoro pezvo, sangano iri rakabatsirawo nekucherwa kwezvibhorani zvinosvika 60 zvinoshandisa simba remagetsi rinobva muzuva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey