Zaranyika otungamira afsta

31 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
Zaranyika otungamira afsta

Kwayedza

MUKURU wekambani ine mbiri yekuuchika mbeu munyika yeSeed Co Zimbabwe VaDenias Zaranyika avo vanove managing director vakasarudzwa kuve president wesangano rinoona nezvembeu mudunhu reAfrica yose reAfrican Seed Trade Asso­ciation (AFSTA).

Sangano iri rakaumbwa mugore ra2000 nedonzvo rekugadzirisa matambudziko ari kusangana neindasitiri yekugadzirwa kwembeu dzakasiyana muAfrica.

VaZaranyika vakasarudzwa kuti vave pachigaro ichi pamusangano wepagore weAFSTA uyo wakaitwa kuNairobi, kuKenya nguva pfupi yadarika.

Vaimbove mutevedzeri wemutungamiriri wesangano iri kwemakore maviri adarika uye mutevedzeri wavo ndiVaRiadh Gabsi vekunyika yeTunisia.

VaZaranyika vakatora chigaro ichi kubva kuna VaNicholas Goble vekuSouth Africa.

Sachigaro weZimbabwe Seed Trade Association, VaWalter Chigodora, avo vaivekowo kumusangano wekuNairobi uyu, vakarumbidza VaZaranyika nekushanda kwavo nesimba zvakaita kuti vave chizvarwa chekutanga cheZimbabwe kusarudzwa pachigaro ichi.

Pamusangano uyu pakaitwa hurukuro dzakasiyana dzinosanganisira zvipingaidzo zviri kukanganisa kutengeserana mbeu muAfrica zvakaita sekushanduka kwemamiriro ekunze.

Zvakadaro, VaZaranyika vasati vasarudzwa kuti vatore chigaro ichi vaive mubhodhi reAFSTA kwemakore manonwe adarika.

Kunze kwekuve mutevedzeri wekutungamiriri wesangano iri, vaivewo sachigaro wekomiti yezvekufambiswa kwemashoko yeCom­munication and Advocacy Committee.

Mumashoko avo ekugamuchira chigaro ichi, VaZaranyika vakavimbisa gungano revanhu raivepo avo vaidarika 400 kuti vachashanda nesimba pamwe nekuita basa ravo nenzira dzakajeka.

Vakasimbisisa kukosha kwekushanda pamwe chete kuitira kuti pave nembeu nekudya kunovaka muviri muAfrica.

Vakati vatungamiriri venyika dzemuAfrica pamusangano wavakaita weAfrican Union muna 2013 kuAddis Ababa, kuEthiopia vakaita chitsiidzo chekupedza nzara mudunhu iri panosvika gore ra2025 kuburikidza nehurongwa hwakazara kwekurima.

Izvi, vakadaro VaZaranyika, zvaikwanisika kana indasitiri yembeu ikashanda pamwe chete yakabatana nemamwe mapoka anoona nezvekurima.

Vakataurawo pamusoro pemamwe matambudziko ari kusangana neAfrica akaita sekutsvaga nzira dzekusimudzira goho pamwe nekuuchika mbeu dzinotirira kuzvirwere zvakasiyana.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>