Zim ine huku 19 miriyoni

17 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
Zim ine huku 19 miriyoni

Kwayedza

GURUKOTA rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, Dr Joseph Made, vanorumbidza vari mumabhindauko ekuchengetwa kwehuku vachiti muZimbabwe pari zvino mune huku dzechivanhu dzinosvika 19 miriyoni izvo zviri kupa veruzhinji mabasa uye zvichienderana nechirongwa cheZim-Asset.

Vachitaura pazuva rekutambidzwa kwezvitupa zvekushanda nemazvo kusangano reOrganic Poultry Producers kumahofisi eZimbabwe Prison and Correctional Services (ZPCS) kuHarare Central Officers Mess, Dr Made vakati bazi ravo rakatotangisa kuchengetedza magwaro anoratidza huwandu hwemhuka nezvipfuyo zvemuno senzira yekusimudzira budiriro kuchikamu ichi.

“Zimbabwe ine huku dzechivanhu dzinodarika 19 miriyoni, 5 miriyoni dzacho dziri dzemazai uye munyika muno muri kudyiwa huku 9 miriyoni gore negore. Tinofanira kuona kuti huku dzerudzi urwu dzatiunzira mari nemabasa,” vakadaro.

Vakarumbidza sangano reIndigenous Poultry Producers nebasa guru rariri kuita rekusimbaradza chirongwa chekuchengetwa kwehuku, zvikuru mukudzivira matambudziko ekunyuka kwezvirwere.

“Iri ndiro basa guru rinobatsira kuti tinge tichirwisa zvirango zveupfumi zvisiri pamutemo izvo zvakatemerwa Zimbabwe uye tinoona hondo iyoyi tichiikunda. Hazvingoitiki bedzi kuzvicherwa asi kuti kunyangwe munyaya dzekurima,” vakadaro.

Dr Made vanoti dzimwe nyika dzakaita seBrazil dzakatora danho repamusoro rekurima vachishandisa manyowa zvinova zviri kusimudzira vechidiki mumabasa ekurima.

Pasi rose, vanodaro Dr Made, chikafu chisingashandisirwe mishonga yekufirita chakaita sechinobva kuhove, shiri nezvirimwa chiri kukurumbira zvikuru.

“Hurumende inotsigira ruzivo urwu nekuti rwunobatsira mukuchengetedza utano hwevanhu. Varimiwo vanowana mari zhinji muno zvichikwezvawo vatengi vekunze kwenyika. Nekuda kwekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze zvirimwa nezvipfuyo zvemuno zvakakosha nekuti zvinoenderana nemamiriro ekunze emuno,” vakadaro.

Mukuru weZPCS, Commissioner-General Paradzayi Zimondi vakapembedza chirongwa ichi vachiti chichabatsira mukuwanisa nyika kudya kwakakwana uye kunovaka muviri.

Vanoti ZPCS ichashanda nenyanzvi dzezvekuchengetedza zvipfuyo nekurima kuti dzifundise vasungwa vari kumajeri.

Comm-Gen Zimondi vakakurudzira varimi vakawaniswa zvitupa ava kuti vatore mikana yeminda yakakura yeZPCS kuti vaite mabhindauko ekuchengeta huku.

“Tine varimi 24 nekudaro tinoda mushandirapamwe uye kana pane vasina minda tinogona kushanda pamwe navo muminda yedu yeZPCS kuitira kuti tigutse nyika,” vakadaro.

Sachigaro weZimbabwe Free Range Poultry Producers Association, Dr Aaron Shamu, vakatiwo kusimudzirwa kwemabhizimusi ekutengesa huku dzechivanhu kwakakosha mukuchengetedza utano hweveruzhinji.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>