Zim yatengesa US$830m fodya

27 Jun, 2023 - 16:06 0 Views
Zim yatengesa US$830m fodya Varimi vachitengesa fodya kumusika muguta reHarare

Kwayedza

Kingstone Mapupu

FODYA yatengeswa kumisika iri kumativi mana enyika kubva pakavamba mwaka wekutengeswa kwechirimwa ichi gore rino inosvika makgs 277 miriyoni ichikosha mari inodarika US$830 miriyoni.

Fodya yegore rino yawedzera zvakanyanya kana zvichienzaniswa negore rapera.

Kambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti kusvika nemusi wa23 Chikumi rinove zuva rechimakumi manomwe nematatu mwaka wekutengeswa kwefodya watanga, fodya yatengeswa inosvika makgs 277 354 001.

Kusvika panguva imwe chete iyi gore rapera, fodya yainge yatengeswa makgs 182 211 207.

Fodya yatengeswa mumwaka uno inokosha US$838 475 702 kana zvichienzaniswa neyakatengeswa panguva imwe chete gore rapera iyo yaikosha US$553 280 176.

Mabhero aendeswa kumisika yefodya mwaka uno anodarika 3 544 145 uyewo panguva imwe chete iyi mugore ra2022, mabhero aiva aendeswa kumisika aikwana 2 387 097.

Nerimwewo divi, mabhero efodya anonzi arambwa mumwaka uno nekuda kwezvikonzero zvakasiyana anosvika 97 025, kuchitiwo panguva imwe chete iyi mugore ra2022 aiva 71 234.

Varimi vanogara vachiyambirwa kuti vatevedzera mitemo yose inodiwa mukusarudzwa kwefodya yavo uyewo nepakuitakura kuti irege kusangana nezvimwe zvinhu zvinoikanganisa.

Zvakadai, mutengo wefodya wepamusoro mwaka uno uri kusvika paUS$6,10c pakg apo wepasi uri US$0,10c.

Gore rapera, mutengo wepamusoro waive US$6,80c pakg uye wepasi uri US$0,10c.

Huremu huri pakati nepakati hwemabhero efodya mwaka uno huri kusvika pamakgs 80 pabhero uyewo panguva imwe chete iyi mugore ra2022 huremu uhu hwaiva 79 kgs.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey