Zimbabwe ine mahekita 86 000 egorosi

18 Jul, 2023 - 16:07 0 Views
Zimbabwe ine mahekita 86 000 egorosi Dr Basera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SENZIRA yekusimudzira nyaya dzakakosha dzekuwaniswa kwechikafu chegutsaruzhinji munyika pasi pezvinangwa zveVision 2030, Hurumende – kuburikidza nebazi rezveminda, kurima, hove, kusimudzirwa kwemadiridziro nekugariswa kwevanhu kumaruwa – gore rino yakabatsira mukurimwa kwemahekita 86 000 egorosi remuchando.

Izvi zvakabuda pachirongwa chekunzverwa zvirimwa, zvipfuyo nehove (Crop and Livestock Fisheries Assessment Planning (CLAFA) icho chakaitirwa muHarare svondo rapera.

Chakapindwa nemapoka anosanganisira vauchiki vembeu, varimi vehove nenyanzvi dzinoona nezvezvirimwa.

Vachitaura pachiitiko ichi, munyori mukuru kubazi rezvekurima, Dr John Basera, vanoti chinangwa chikuru ndechekunzvera budiriro kana zvibingaidzo zviri kuwira varimi kana vagadziri vemidziyo yavanoshandisa kuitira kuti patorwe matanho nguva ichiripo.

“Zvakakosha kuti ongororo iyi iitwe nguva nenguva kuti tisazotarisane nedambudziko ratokura nechekare. Chinangwa chikuru ndechekusimudzira nyaya dzekuwaniswa kwechikafu munyika kuti tirwise nzara nehurombo. Sezvamunoona, tiri kuramba tichitarisana nekusanduka kwemamiriro ekunze, zvirwere zvinobata zvirimwa nezvipfuyo nekudhura kwezvekushandisa mukurima, pakati pezvimwe zvimhingamipinyi zvinokanganisa varimi kuminda yavo.

“Kana zvichemo zvevarimi zvikanzwikwa, zvinobatsira kuti Hurumende iise mitemo inovarerutsira,” vanodaro.

Dr Basera vanoti vanofara nebudiriro iri kuitika muchirimwa chegorosi.

Munda wegorosi

“Tinofara zvikuru nebudiriro yakaitika muchirimwa chegorosi remuchando apo tainge tiri kutarisira kurima mahekita 85 000 asi takatozopfurikidza tikaenda pamahekita 86 000. Mukuenda mberi, tiri kutarisira kuzowana matani 420 000 kureva kuti tinenge tadarikidza zviri kutarisirwa kuti nyika inge ichiwana anove matani 320 000 egorosi,” vanodaro Dr Basera.

Chirongwa cheongororo yemhando iyi chinoitwa kaviri pagore apo chikamu chekutanga chakaitwa mukupera kwemwedzi waNdira naKukadzi uye chechipiri chakaitwa mukupera kwaKurume nekutanga kwaKubvumbi.

Ongororo yegorosi yakatanga kuitwa munaChikumi kusvika Chikunguru.

Dr Basera vanoti nyaya dzekurima ndidzo hwaro hunobata upfumi hwenyika muZimbabwe nokudaro dzinofanira kutariswa neziso guru.

“Tiri kutarisawo nzvimbo dzine vanhu vari panyatwa dzekusangana nenzara zvichitevera nharaunda yavanogara iyo inogona kunge isinganayi mvura yakawanda kana kuti dziri panyatwa yekuwandirwa nemvura, asi zvichiunza nzara. Nharaunda dzakadai sekuChimanimani, kudunhu reManicaland, uko kunomboita dambudziko remafashamu, kwozoti dunhu reMasvingo iro rinowanzoshomekerwa nemvura yemudenga.

“Tinokurudzira varimi kuti vashandise nzira dzemadiridziro kuti vakwanise kurima mukati megore rose pane kumirira mwaka wemvura nekuti inogona kuvarasisa zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey