Zimbabwe yokudza danga renyika . . . yosimbaradza kurimwa kwechikafu chemombe

02 Nov, 2023 - 14:11 0 Views
Zimbabwe yokudza danga renyika . . . yosimbaradza kurimwa kwechikafu chemombe Mafuro emombe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE ine hurongwa hwekuvandudza huwandu hwemombe kuti huende pa6 miriyoni zvichifambirana nezvinangwa zveLivestock Growth and Recovery Plan.

Izvi zvichaita kuti Zimbabwe ive nehuwandu hwenyama yemombe, mukaka nezvigadzirwa zvinobva mumukaka zvichibatsira mukusimudzirwa kwenyaya dzekutengesarana nedzimwe nyika zvichiwanisa nyika mari yekunze.

Pari zvino, huwandu hwemombe munyika huri pa5,6 miriyoni.

Hurumende nevamwe vatsigiri vari kuita mabasa makukutu ekuvandudza huwandu hwemombe nezvirongwa zvekuuchika izvo zvinobatsira kuti pange pachiwanikwa mombe dzemhando yepamusoro.

Vachitaura pachirongwa chekudzidzisa varimi maringe nekuvandudzwa kwechikafu chemombe, munyori mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa – Professor Obert Jiri – vanoti zvakakosha kuti nyika ivandudze huwandu hwemombe.

“Tinoramba tichivavarira kuti tive nemombe dzakawanda zvinofambirana nezvirongwa zveHurumende zvakadai seLivestock Recovery and Growth Plan. Nyika iri kurasikirwa nemombe dzakawanda nekuda kwezvirwere, kunyanya cheJanuary Disease, zviri nyore kudzivirirwa nekudhibhisa. Zvekare vanhu vakawanda vanofarira kudya nyama yemombe nokudaro panguva yatinodzidya huwandu hwadzo hunenge huchiderera zvinoreva kuti tine chitsvambe chekuona kuti tatsiva huwandu hwemombe dzatiri kurasikirwa nadzo nekuda kwenzira dzakasiyana.

“Tinofanira kuvandudza mhando dzatinouchika nekuti kana tikaramba tichiita kuti mombe dzerudzi rwumwe chete dziberekesane, huwandu hwemombe hunoramba huchiderera uye huri hwemhando yepasi. Zvipfuyo zvedu zvinoda mvura nechikafu chakakwana kuti zvikure zvakanaka chinova chikonzero chikuru chaita kuti tisangane pano tichikurukura maringe nemarimirwo ehuswa hunofarirwa nemombe uye kuchengetedzwa kwahwo.

“Izvi zvinobatsira kuti dzisazoshaye chikafu kana nyika yasangana nekusanduka kwemamiriro ekunze anouya nenzira yekupisa kwakanyanya uko kunoparadza mafuro kana moto wesango,” vanodaro.

Professor Obert Jiri

Professor Jiri vanoti zvipfuyo zvine utano hazvisi nyore kubatwa nezvirwere zvinoreva kuti zvinowanisa nyika nyama yemhando yepamusoro.

Hurumende iri kutarisira kusimudzirwa kweindasitiri yezvipfuyo kusvika paUS$3,4 bhiriyoni muna2025.

Izvi zvinotevera matanho ari kutorwa mukuderedza huwandu hwemombe dziri kufa nekuda kwezvirwere apo dzinosvika 500 000 dzakafa nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe muna2016.

“Kurimwa kwechikafu chemombe kuri nyore zvikuru saka tinoda kuti kunyangwe varimi vadiki vapinde muzvirongwa izvi nokudaro madhumeni ari mushishi kuvafundisa marimirwo emhando yesora rakadai selucene, katambora nerimwe rinofarirwa nezvipfuyo,” vanodaro

VaEdward Warambwa, avo vanova murimisi kusangano reZimbabwe Association of Dairy Farmers (ZADC), vanoti vari mushishi kuita zvirongwa zvekukusha chenjedzo kuvarimi maringe nezvekukosha kwekurima chikafu chemombe.

“Varimi vese vanofanira kuziva kukosha kwemafuro emombe zvekuti vamwe vanorimira kutengesa kana vasina zvipfuyo zvacho, vamwe zvichizovarerutsira mukupa zvekudya zvipfuyo zvavo. Kana mombe dzikawana chikafu chakawanda, zvinobatsira mukuwedzera huwandu hwemukaka wadzinotipa kubva pamarita 13 kuenda pa17 pamombe imwe neimwe,” vanodaro.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Association Trust, Mai Depinah Nkomo, vanotenda Hurumende nekuzvipira mukuchengetedza huwandu hwemombe munyika.

Mai Depinah Nkomo

“Mombe ndiwo mucherechedzo weupfumi munyika muno nekuti sekumaruwa, musha usina mombe unotorwa sewevarombo. Mombe tinodzishandisa mukurima, tinowana manyowa ekuisa muzvirimwa uye weti yemombe inogadziriswa fetiraiza inokudza zvirimwa.

“Pamusoro pezvo, pakuroora mombe dzinoshandiswa zvakasiyana semombe yechimanda, yehumai uye chimwe chikamu chepfuma chinotemwa nemombe pachinzvimbo chemari saka dzinofanira kuchengetedzwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links