Zimdef yakapa $500000

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Zimdef yakapa $500000 Prof Mavima

Kwayedza

Daphne Machiri
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari nguva pfupi yadarika rakapihwa $500 000 neZimbabwe Manpower Development Fund (Zimdef) yekutsigira zvidzidzo zveSainzi muzvikoro.

Gurukota rebazi iri, Professor Paul Mavima, vanoti mari iyi ndeyekuvandudza zvidzidzo zveSainzi, zvikuru vakatarisana nezvikoro zvekumaruwa.

“Mari iyi tichaishandisa kuvaka atinoti maScience Hub muzvikoro zvatichasarudza mupurovhinzi imwe neimwe.

“Tichasarudza zvikoro gumi kubva mumadistrict 8 ari kumaruwa kumapurovhinzi enyika,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti kunyangwe zvazvo donzvo ravo riri rekuvaka maScience Hub, vanoda kusvika padanho rekuvaka zvakare zvikoro zveSainzi zvakazvimirira (Science Academy).

“Tinoda kuti tisvike padanho ratichange tave nezvikoro zveSainzi zvakazvimirira. Tichapa mukana wekuti vana vose vanogona chikoro munzvimbo idzi vawane mabhezari uye vatichasarudza ndeavo vachange vachiita zvidzidzo zveSainzi,” vanodaro.

“Donzvo redu nderekuvandudza zvidzidzo zveSainzi muZimbabwe, tigofambirana nedzimwe nyika. Tinofanirwa kubura shasha dzemabasa anosanganisira vanachiremba, engineers nanamazvikokota munyaya dzeSainzi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>