Ziva: CHITUNDU

31 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Svondo rakapera takati bhasikiti rinowanikwa kuChipinge rinonzi chitunde, asi kwete chitundu. Chitundu ibhasikiti, kana kuti tswanda yaitakurirwa mishonga nen’anga kana kuitiswa mamwewo mabasa akasiyana-siyana.

Pazita rekuti chitundu, panogona kuve ndipo pakabva zita rekuti chitundumuseremusere.

Asika, zita rekuti chitundu rinorevawo midziyo yakaiswa pamwe chete sebutwa. Izwi iri ririkowo zvakare kumutauro wechiChewa, “katundu.”

Mumutauro wechiKalanga dengu rinonzi “itundu” uye muchiVhenda tswanda vachiiti, “tshirundu.”

Izvi zvinoita kuti tikumbire vaverengi kuti vatiudzewo kuti zita renzvimbo yeChirundu rinorevei.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>