Kwayedza
MAZONDO emombe akabikwa nemazvo kudya kunonaka zvikuru uye anonzi anosimbisa mabhonzo emuviri. Nyama iyi inofarirwa, kunyanya nevarume zvose nemadzimai, nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.
Svondo rino Sekuru Godfrery Topetope vekuMabvuku, muHarare, vanotsanangura mabikirwo emazondo.
Zvinodiwa:
Tenga mazondo muchitoro chakanyoreswa zviri mamutemo.
Kana asina kubvurwa, abvure pamoto zvakanaka uchibvisa mvere dzose.
Chiageza asare akachena wozoadimbura muzvidumbu zvaunoda.
Wozodii?
Gadza mazondo pamoto woisa makomichi mashanu emvura.
Ramba uchiwedzera mvura kusvika aibva.
Kanda munyu bedzi usaise mafuta kana matomatisi.
Kana achinge aibva, mazondo anoonekwa nemuto wakakora.
Mazondo haaiswe godzamuto nekuti anozoshata.
Chibura nyama yako udye nemhuri kana neshamwari muchinwira-nwira zvakasiyana.
Vamwe vanoadya akadaro asi vamwewo vanoafarira nesadza.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281