Zuva guru reHatfield Girls High

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Zuva guru reHatfield Girls High

Kwayedza

Vana shasha vakakumba mibairo
 ‘kwayedza iri kusimudzira Shona’

CHIKORO cheHatfield Girls High, icho gore rino chiri kupemberera kusvitsa makore 61 kubva chavambwa, nemusi weChina svondo rapera chakaita mabiko ekupembedza vana, varairidzi nevashandi vakaita basa ravo zvinonwisa mvura.

Vana “vakarova” chikoro vakakumba mibairo muzvikamu zvakasiyana pazuva guru iri.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru weHatfield Girls High, Mai Tsungai Makura, vanoti gore rino chikoro chavo chiri kupemberera kusvitsa makore 61 kubva chavambwa, chinova chiitiko chinotsunzvaidza vana vavo kuti “vadambure” chikoro.

“Gore rino tiri kupemberera kusvitsa makore 61 chikoro chino chavambwa. Zvinodadisa zvikuru kuti chikoro chedu chakura uye chiri pamusoro pane zvimwe zvinotsvunha padzidzo,” vanodaro Mai Makura.

Vachitaurawo, District Schools Inspector weMbare-Hatfield, VaAbsolom Chinoona, vanoti bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rinorumbidza bepanhau reKwayedza nebasa rariri kuita rekusimudzira zvidzidzo zveShona muzvikoro. Rumbidzo iyi yakabva kuna District Schools Inspector weMbare-Hatfield, VaAbsolom Chinoona, apo vaitaura paHatfield Girls High pazuva rekupihwa kwevana vakabudirira muzvidzidzo mibairo, reSpeech and Prize Giving Day, svondo rapera.

“Ndinoda kurumbidza bepanhau reKwayedza iro riri kuita basa guru nekuti ndakanzwa kuti vamwe vana vari kuendako vachinowaniswa mukana wekudzidza kuti nhau dzinotapwa sei uye mashandiro avo pamwe nekusimudzira zvidzidzo zveShona.

“Zvasarira mumawoko enyu vatungamiri vezvikoro, kuti muchimhanya-mhanya muone kuti gwaro rebazi redzidzo riri kushanda uye zvinogona kuitika kuburikidza nerutsigiro rwevabereki nemakambani akasiyana,” vanodaro.

Vanoti makambani anofanirwa kusimudzira vana vechikoro kuti pavanopedza chikoro vasazotambudzika muupenyu hwavo nekutsvaga mabasa.

VaChinoona vanokurudzirawo zvikoro kuti zvikoshese zvidzidzo zvemabasa emawoko sezvo vadzidzi vachikwanisa kuwana raramo kubva mazviri mune remangwana.

“Tinozviziva kuti panguva ino mabasa ari kunetsa, zvinhu hazvina kutimirira zvakanaka munyika. Asi ngatidzidzisei vana vedu mabasa emawoko kuti vagokwanisa kuzvimirira mune ramangwana. Izvi ndizvo zviri mugwaro idzva redzidzo,” vanodaro.

Vanoendera mberi vachiti: “Kushaikwa kwemabasa kuri kukanganisa vana sezvo vamwe vachipedzisira vave kuita chipfambi nemamwe mabasa akaipa.

Saka vadzidzisei zvine chekuita neICT nesainzi kuti vagokwanisa kuzvishandira vega zvichivabatsira.”

Nguva diki yadarika, Kwayedza yakapihwa mibairo miviri nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari semucherechedzo webasa rairi kuita mukusimudzira zvidzidzo zveShona muzvikoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>