‘Zvakakosha kuchengetedza goho’

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
‘Zvakakosha kuchengetedza goho’ Varimi vanokwanisa kuchengetedza goho ravo kubva kuzvipfukuto zvakaita seLGB nekushandisa matura emhando yemametal silos.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARIMI vokurudzirwa kuchengetedza goho rezvirimwa zvavo sezvo vanogona kurasikirwa nechikamu che30 percent kana  rikasachengetedzwa zvakanaka.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaKwadzanai Mushore vanove Pesticides Registrar kuchikamu cheResearch and Specialist Service kubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro.

Vanoti murimi anokwanisa kurasikirwa negoho kuburikidza nehudyi hwakadai sezvipfukuto zvemuchibage.

“Varimi vari kutarisira kuwana goho guru nekuda kwemvura yemudenga yakanaya yakawanda uye tisingakanganwi kutenda zvekushandisa zvavakapihwa neHurumende pasi pechirongwa cheCommand Agriculture.

“Saka zvakakosha kuti varimi vatore matanho ekuchengetedza goho ravo sezvo vanogona kurasikirwa nechikamu chinosvika 30 percent kana kudarika rikasachengetwa zvakanaka,” vanodaro.

Vanoti varimi vanokwanisa kuchengetedza goho nenzira dzakadai sekukasika kukohwa zvirimwa zvavo zvisati zvave kupfukutwa.

“Zvipfuko zvemhando yeLarger Grain Borer (LGB) (Prostephanus truncatus) neMaize Weevils (Sitiphilus zeamais) zvinofarira zvikuru kudya chibage.

“Chipfukuto cheLGB hachisi chemuno muAfrica asi kuti chakauya  kuburikidza nenzira dzekutengeserana uye mamiriro ekunze ekuno ane kudziya akaita kuti chinge chichikura nekubereka zvakanyanya. Chinodya miti, midziyo yakavezwa kunyangwe makapeti anogona kuparadzwa neLGB,” vanodaro.

Vanoti chipfukuto chemhando yeWeevils chiri nyore kuti chinge chichidzivirirwa kana zvienzaniswa neLGB.

“Varimi musati maisa chibage chenyu mumatura zvakakosha kuti mutange maona kuti chaoma zvekuderedza mwando nechikamu che12,5 percent nekuti kana chichinge chiine mwando wakanyanya pane mikana yekuti chinogona kuzoora.

“Zvakakosha zvakare kuti varimi vange vachichenesa matura avo kuitira kuti chibage chitsva chipinde makachena uye maburi ese ayo anogona kuzopinda nezvipfukuto kana makonzo anofanira kuvharwa.

“Pamusoro pezvo, matura anofanira kufiritwa nemishonga yakasiyana inouraya zvipfukuto,” vanodaro VaMushore.

Vanoti kune dzimwe nzira dzinogona kushandiswa mukudzivirira zvipfukuto dzakadai semasaga emhando yemaHermatic bags.

Masaga aya anenge akaturikidzwa kaviri kana katatu kuitira kuti mukati mushaikwe mweya wekufema zvinoita kuti zvipfukuto zvitadze kurarama.

“Kushaikwa kwemweya mukati memasaga aya kunoita kuti zvipfukuto zvisawane mweya wekufema nokudaro hazvirarami pasina mweya wekufema (oxygen).

“Zvimwe chetezvo nemametal silos anova anogadzirwa nesimbi yemhando yezinc, akagadzirwa nenzira yekuti murimi anogadzika kenduru rinobvira mukati mushure mekuisa chibage chake ovhara. Kenduru iroro rinozodzima rega asi rinobatsira mukubvisa mweya wese wekufema unenge uri mudura resimbi rinochengeterwa zvirimwa. Pamusoro pazvo, zvipfukuto hazvikwanisi kupinda mumetal silo sezvo harirumiki  nekuti nderesimbi,” vanodaro.

VaMushore vanoti mametal silo aya anowanikwa muzvipimo zvakasiyana zvakadai sema50 kgs kusvika kumatani matatu.

Varimi vanokwanisa zvakare kudzivirira zvirimwa zvavo kubva kuzvipfukuto kuburikidza nekushandisa mishonga yakasiyana-siyana yavanotenga muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

VaMushore vanoti zvakakosha kuti varimi vatenge mishonga yekudzivirira zvipfukuto kuzvirimwa zvavo kubva kuzvitoro zvakanyoreswa uye kuti vatevedzere zvakanyorwa maringe nekushandiswa kwemishonga iyoyo.

Vanorukudzira varimi kuti vatsvagewo ruzivo zvakare pamusoro pemashandisirwo  emishonga yekurima kumahofisi ePesticides Registration Office anova ari pasi pebazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro pamwe nekumadhumeni kana kuti varimisi veAgritex.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>