Zvakakoshera madimikira

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Danda
NAWO-NAWO madimikira kusvika nhava yati pamu-pamu zvekutopfachukira. Tikabata hwaro hwakakura hwemadimikira aya pane zvinhu zvitatu zvakakosha zvatichabatsirika nazvo.

Chekutanga tinenge taisa mupfudze mumutauro wedu kuti usimbe uye ukure zvakanaka.

Chechipiri tinenge togona kunyora zvinyorwa zvakaita serondedzero zvine hudzamu.

Chechitatu hatizoshayi zviviri zvitatu zvinouya mubvunzo saka hatigarei tateya setsenzi.

Tiri kuribhedhenura zvakare gudza remadimikira apo tinoda kupendera ichi chirongwa nemadimikira ane hudzamu.

Kana zvichinzi akaisa musana panze zvinoreva kuti munhu uyu anotambudzika zvikuru zvekutoshaya chekupfeka.

Kazhinji anogara akapfeka marengenya.

Kuisa ura pachitsiga zvinoreva kuita zvinhu zvaunonyatsoziva kuti zvine ngozi.

Ndizvo zvimwe chete nekunanika ura paruware.

Vanhu vanokandirana makobvu nematete vanenge vachitukana nemashoko anorwadza. Izvi zvinonyanyotaurwa paya panotukana vanhukadzi.

Kukurudzira benzi nemhururu kupembedza munhu uchimunyepedzera kunge ari kuita zvakanaka kana zvine ungwaru izvo kwete, iye obva aitawo manyawi oenderera mberi nezvaari kuita.

Kukusha mbeu mvura yaenda ndizvo zvakafanana nekuruka nhava rutsva rwaenda.

Izvi zvinoreva kupedza nguva uchirongera zvinhu zvakatopfuura kare.

Kukwidza mawoko kuombera vanhu sepadare kana pachaunga.

Kana zvichinzi nyaya yakwira mutarara zvinoreva kuti nyaya kana mhosva yasvika pachinhano chakaoma. Inenge yotoda vana mazvikokota nezvibhwe zvitedza kuti igadziriswe.

Kuita matenganagudo kupana chibvumirano chekupana zvinhu sekuti ngana akandipa chakati, ini ndomupawo chakati.

Kana munhu amira negumbo rimwe chete anenge ava kuda kuenda achibva panzvimbo yaari.

Munetenge momunonokera muchimbobata chino nechino. Anenge otoshaya zvekuita uye kazhinji anenge atosimuka oda hake kuenda.

Kumutsa mukonye kuvamba bopoto. Ndiko kutanga mutauro kana kudenha vanhu vakazvinyararira mopedzisira motaurirana zvisina kunaka.

Kune kumwe kutadzirwa kunorwadza uye kwekuti haugoni kukubvisa mupfungwa.

Unoramba uchizvifunga. Mwoyo unenge uchitambudzika nekurwadziwa zvekuti hauna chimwe chinhu chaunenge uchafunga kunze kwekutadzirwa ikoko.

Ndipo panonzi nevakuru wan’urwa mwoyo.

Kana zvichinzi tichaona tsuro yotande imbwa zvinoreva kuti zviri kuitwa zvisina kunaka izvi zvichakonzera kuitika kwezvimwe zvanga zvisingatarisirwe kana kuti zvinoshamisa. Panopedzisira nemaminimini.

Kana tichiti munhu akarara hope dzembwa tinoreva kuti haana kunyatsokotsira asi kuti ari pakati pekusvinura nekubatwa nehope.

Kana achinge arara dzedanda anenge akabatwa nehope zvekusapinduka.

Karara hope mbishi kushaiwa hope kana kutadza kukotsira zvakana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>