Zvakanakira kuchengeta hove

10 Jul, 2023 - 21:07 0 Views
Zvakanakira kuchengeta hove Dr Basera (vechishanu kubva kuruboshwe) nevamwe vachiona mabhindauko ehove paChibhero College of Agriculture.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUNYORI mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove nekusimudzirwa kwemadiridziro uye kugariswa kwevanhu kumaruwa – Dr John Basera – vanoti makoreji ezvekurima akakosha zvikuru munyaya dzebudiriro yeupfumi hwenyika sezvo kurima kuri iko hwaro hwekusimukira Zimbabwe.

Vachitaura apo vaimema mabhindauko anosanganisira kupfuiwa kwehove ari kuitwa paChibhero College of Agriculture svondo rapera, Dr Basera vanoti Hurumende yakazvipira kutsigira makoreji ezvekurima kuitira kuti basa ravo riendeke.

“Makoreji ezvekurima akakosha zvakanyanya sezvo achibatsira mukuburitsa hunyanzvi hwemhando yepamusoro mune vechidiki zvichiita kuti zvive nyore kuti vazvivambire mabasa avo apo vanopedza zvikoro pane kumirira kupinzwa mabasa mumakambani,” vanodaro.

Mudzidzi wepakoreji iyi – Anotidaishe Govo (21) – uyo aimbova sachigaro weRuwa Town Council Disability Committee kubva mugore ra2019 uye ave muchikamu chekupedzisira chezvidzidzo zvake zvekurima, anoti anoda kuzova nyanzvi munyaya dzekurima, zvikuru kupfuya hove.

“Chekutanga, panovakwa dhamu rehove panoda kuitwa ongororo yevhu roonekwa kuti harina huturu hwakanyanya here (soil Ph) kunova kuvava kana kutapira kwevhu. Kana kuvava kwevhu kwakanyanya, pane zvinenge zvichida kugadziriswa kuti kuderere.

“Zvekare kuvakwa kwedhamu rehove kunoda nzvimbo dzine ivhu rakadai serechuru rinoumbika kuti risadhirika. Panodawo chibhorani chinowanisa mvura isingaperi pedyo nekuti kuti tipfuye hove, mvura ndicho chinhu chikuru uye chakakosha,” anodaro.

Govo anoti dhamu rimwe chete rakakura rinoda hove dzinosvika 1 500 uye isarudzo yemurimi panhau yemhando dzacho.

Anotidaishe Govo

MuZimbabwe mune mhando dzehove dzinonaka zvikuru dzinodiwa muno nekunze setalapia male fish, tiger fish, vundu, kafuepik, catla, hake, vat fish, red breast tilapia, Kariba bream neRainbow bream.

“Hove dzinopa mari. Semuenzaniso, pano paChibhero College of Agriculture tine madhamu maviri ehove atinoisa hove 3 000 dziine mwedzi misere yekuberekwa. Padzinokura, tinodzikohwa nemambure zvekuti tinokwanisa kuwana hove 2 800 dziine huremu hwe490kgs – 500kgs. Hove imwe chete inenge iine huremu hwe3kg kazhinji kacho kureva kuti kana tikadzitengesa, tinowana US$1 500. Tinozobvisa mari yemishonga nechikafu zvatakashandisa zvatinopega paUS$550, kureva kuti murimi anogona kuita mari yepamusoro inosvikas US$700 pagoho,” anodaro.

Govo anoti kumwe kudya kwehove kuri nyore kuwana sezvo kuchikwanisa kubva kuzvipfuyo zvinochengetwa pamusha sendove yenguruve nematosi ehuku.

Mvura inobviswa mudhamu rehove apo inochinjwa muchiiswa imwe yakachena inozoendeswa kuminda kunokudza zvirimwa.

“Mumadhamu edu ehove mune yatinoti ‘green water’ inova mvura ine mazerere ayo akakosha sezvo achidyiwa nehove uye achibatsira kuti mudhamu muve nemweya wekufema. Tinoisa zvekare mapombi akabatanidzwa kumagetsi anobatsira mukutenderedza mvura kuitira kuti mudhamu mupinde mhepo.

“Kana mudhamu musina mweya wekufema wakakwana, ndipo paya pamunoona hove dzichiyangarara pamusoro pemvura uye kana zvinhu zvose zvakanaka dzinotambira pasi,” anodaro.

Anoti hove dzinochengetwa nenzira imwe chetewo sezvinoitwa huku sezvo dzichifanira kutengerwa chikafu (commercial feed) chinobvira dzichiri diki, dzati kurei nepadzinenge dzava kugadzirira kukohwehwa.

“Panhau yekuchengetedzwa kwehove, panoda hunyanzvi hwekuisa mambure pamusoro pedhamu kuitira kuti dzisadyiwe neshiri dzakadai sehungwe nemakondo uye kunze kwedhamu kunofanira kuiswa fenzi kuitira mbavha,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa nemumwe mudzidzi wepakoreji iyi, Ropafadzo Modza, achiti bhizimisi rehove rine mari.

Ropafadzo Modza

“Hove yeKariba bream kana kuti male talapia ndiyo ine mukurumbira muZimbabwe. Hove yemhando iyi inokurumidza kukura zvekuti mukati memwedzi mitanhatu unenge wava kutokohwa hove dzako. Haikurumidzi kubatwa nezvirwere uye inofambirana nemamiriro ekunze emunyika muno zvinoita kuti varimi vazhinji varerukirwe nekuipfuya.

“Ine mapuroteni akapamhidzirwa ndiko kusaka uchiti kana zviya ukadya hove unorara hope dzehumambo nekuti masero emumuviri mako anenge achivandudzwa kuti ugare uine utano hwakanaka,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>