Zvandimomotera: Shoroma

16 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Cassius Mushore
SHOROMA yekuendeswa kudare nemukadzi wayakamitisa nenyaya yemendenenzi yakachema-chema ichiti haikwanise kubvisa mari yaidiwa sezvo zvakaimomotera, ine mhuri yakakura nechikwereti cheimba.

Sandra Jima akamhan’arira Owen Magada kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta mwana waakamitiswa vachiri kudanana kuGokwe.

“Baba ava vakandimitisa vakati vanogona kuchengeta mwana wavo asi pari zvino ndava kuona kuchinja kwezvinhu. Haachadi kuchengeta mwana wake asi munhu anoita zvemabhizimisi, handizivi kuti mari yake iri kuenda kupi.

“Ndinoda $100 yekutenga chikafu, hembe nekuendesa mwana kuchikoro. Pane izvozvi zvose hapana kana chimwe chete chaari kuita,” akadaro Jima.

Magada akaudza dare kuti haakwanise kubvisa mari iyi sezvo aine imwe mendenenzi yaari kubhadhara uye pamusoro pezvo mhuri yake inoda kuchengetwawo.

“Pari zvino ndiri kutobhadhara $130 kune vamwe vana zvose nekuvaendesa kuchikoro nekuchipatara nezvimwe zvandiri kubatanidza ukuwo imwe mhuri yangu iri kuda kuchengetwa. Mwedzi woga-woga ndiri kubuda mari yakawanda nekuda kwevanhu vari kuchengetwa neni,” akadaro Magada.

Akati zvakare ane imba yaanobatirwa chikwereti.

“Saka pa$768 yandinotambira neyaari kuda hazvienderane. Ndinosara ndisina chinhu, ndinokwanisa kumupa $35 chete.

“Imwe nyaya ndeyekuti musikana uyu akapotsa kuverenga mazuva ake ekutevera paakabata mimba saka handina chokwadi chekuti mwana ndewangu here kana kuti kwete. Ndinotori muhurongwa hwekufambira kuona kuti mwana ndewangu here. Mukadzi uyu anoshanda saka ngaandinzwisisewo kuti ndakaomerwa sezvo achishanda. Dai atondibatsirawo kuchengeta mwana wacho,” akadaro Magada.

Mutongi Audrey Tarugarira akati Magada abhadhare $45 pamwedzi kutanga kupera kwaGunyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>