Zvandisingafarire

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

11. SARUDZA vatambi vashanu vari muna Kereke Inofa ugoratidza zvinoitwa nemumwe nemumwe wavo zvausingafarire. Tsigira mhinduro zvizere. [25]

Handifarire kuba mari dzekereke kunoitwa naPastor Mwenje muna Kereke Inofa. Tinozviona pavanenge vari kuUK naSarah ndokubvisa mayusa gumi rezviuru muhomwe yekereke. Mari iyi yaifanira kunopiwa vanhu vaitambudzika asi vanoipa Sarah aive nhengo yekereke yavo wavaidanana naye, kuti atumire murume wake, Zebra kuZimbabwe.

Muna Kereke Inofa handifarire zvinoitwa naBeauty zvekudanana nevarume vevanhu achiri kuenda kuchikoro. Izvi zvinojekeswa paanenge achidzidza kuUZ asi achidanana naDance Manyukunyuku achinyatsoziva kuti akanga aine mudzimai wake sezvo aive audzwa.

Handifarire zvinoitwa naSusan zvekudanana naDance chikomba chemwana wemukoma wake, Sarah. Tinozviona paanotora nhamba dzefoni yaDance ndokutanga kudanana naye muchivande asi achiziva kuti aidananazve naBeauty mwana wemukoma wake. Chakamupa kudaro ndechekuti akanga achiva mari zhinji yaiva naDance zvinoita kuti azotapurirwawo chirwere cheshuramatongo.

Muna Kereke Inofa ndinovenga zvinoitwa naCharles zvekupedza nguva refu achiita zvefesibhuku achitadza kuverenga mabhuku ekuchikoro. Tinozviona paanenge achiita zvefesibhuku pafoni yake nekutamba mavhidhiyo gemhu asingazviwanise nguva yekuverenga mabhuku ekuchikoro. Izvi ndizvo zvinoita kuti azopedzisira ave kudofora muchikoro sekududzwa kwazvo naJudith.

Ndinovenga zvinoitwa nachiremba Ayub Kanu zvekusaita basa ravo nemazvo. Izvi tinozviona pavanonyorera Pastor Mwenje matsamba ekuti vakwanise kudzokera naSarah kuZimbabwe, vachiti airwara nemweya yetsvina asi pakanga pari pamuviri pavaitsindidza kuti Mary asazvione. Apa vaitevedzera utsotsi hwese hwavakanga vaudzwa naPastor Mwenje kuti ndiho hwavaifanira kuzoita.

12. Tsanangura kuti kushandiswa kwemafoni kunobatsira sei kusundidzira rongetedzo yenyaya mberi muna Kereke Inofa. [25]

Pastor Mwenje vanoshandisa foni kusandura mafambirwo erwendo rwekuUK. Zvinojekeswa mushure mesvondo pavanenge vari muchechi mavo vakagara naSarah naZebra ndokuverenga tsamba yavakanga vatumirwa mufoni. Izvi zvinoita kuti vazoudza Sarah naZebra kuti havachakwanise kuenda navo vese kuUK vave kuda munhu mumwe chete pahuviri hwavo.

Mafoni anoita kuti Charles asaverenge mabhuku ekuchikoro. Izvi tinozviona paanopedza nguva zhinji achiita zvefesibhuku pafoni yake achitadza kuverenga zvinoita kuti azotadza kuwirirana nehanzvadzi dzake Beauty naJudith.

Beauty anozotanga kurayira Charles achiti aifanira kungwarira fesibhuku nekuti inomudyira nguva yechikoro.

Susan anoziva nezvaDance mushure mekunge ataura naBeauty pafoni. Izvi zvinojekeswa panorira foni yaBeauty ari muimba yekutandarira kuBudiriro.

Paanopedza kutaura pafoni anodzinga Charles naJudith kuti vaende kumipanda yavo. Pavanobuda anosara achiudza amainini vake, Susan nezvaDance ainge abva kumufonera.

Kushandiswa kwemafoni kunoita kuti Susan adanane naDance chikomba chaBeauty mwana wemukoma wake. Izvi tinozviona Susan paanoenda kunoona furati rakanga ratengerwa Beauty naDance. Beauty paanobuda panze Susan anosara achikumbira nhamba dzefoni yaDance ndokuzomufonera zvinoita kuti vazopedzisira vave kudanana.

Mafoni anobatsira pakuronga rwendo rwekuUK rwaSarah naPastor Mwenje. Zvinoonekwa Sarah paanobuda mumba maJoram akagumbuka nemashoko ake ekunzi aichemera kuenda kuUK. Anofonera Pastor Mwenje ndokukasika kusvika kuMufakose kwaaive nemotokari kuti varonge mazano ekuenda vese kuUK pasina kukundikana.

Zebra anoshandisa foni kuzivisa Mary nezvekutumirwa mari. Izvi zvinobuda Zebra paanenge ari kuZimbabwe ndokufonera Mary aive kuUK achimuudza kuti akanga atumirwa mari yakawanda zvikuru naSarah yekuti apedzise kuvaka imba yavo yekuGlen View 7. Izvi zvinoita kuti Mary azonyumwa kwakawanikwa mari iyoyo naSarah asi asingashandi basa raimupa mari zhinji.

Mary anoshandisa foni kuzivisa Zebra nezvekudzoka kwaSarah kuZimbabwe. Tinozviona paanofonera Zebra ari kuUK achida kunzwa kuti Sarah akanga asvika kuZimbabwe here sezvo aive abvako kwemasvondo matatu aive adarika aina Pastor Mwenje.

Izvi zvinoita kuti Zebra nemhuri yake vazoshushikana vachishaya kuti Sarah aivepi kwaakanga atora nguva refu asati asvika kumba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>