Zvatadai kutarisana nebvunzo

06 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
TISU avo tapinda mumwedzi waGunyana apo hana dziri kubika manhanga nekurova kwadziri kuita nenyaya yebvunzo. Kupinda kwechirongwa chino mudariro muzuva ranhasi kunotiratidza kuti tasara namazuva gumi chaiwo ekupinda muchikoro bvunzo dzisati dzanyorwa.

Chero zvazvo tiri pazororo, mazuva haasi kumira kutekaira uri mucherechedzo wekuti hatichina nguva yekutamba nayo. Ino ndiyo nguva yekumbosendeka arauru, rakaraka nechikweshe tochiita ushamwari nebhuku nekuti kwava kumakwishu.

Musi wa23 Gunyana nenguva dzepfumbamwe, mumwe nemumwe anenge agara ari oga nepepa rake remibvunzo richibvunza kuti waimboitei apo paitekaira nguva.

Haisi nyaya yekutyisidzirana kwete, asi kuti kupanana yeuchidzano yekuti tisazovarairwa tichiti mazuva achiripo. Nguva ndiyoyi hakunazve imwe. Chandinoziva iye zvino ndechekuti varairidzi vakapedza zvidzidzo zvemubumbiro (Syllabus) nekudaro yangova dzokorodzo yega kusvika panopera bvunzo musi wa4 Gumiguru apo patichafema tigotamba dunhu nerakaraka kusvika amai vapopota.

Dzokorodzo dzedu hadzingoitwe zvisina neshumo yose nekuti hapana chinobuda. Bvunzo dzekotoro yapfuura dzakapa muono wekuti zvakamira sei kusvika pakuona chaipo panoda kusimbirirwa kuti tibva tati twasa. Tinofanirwa zvakare kurangarira kuti kubva tasiya zvatakabuda zvakanaka tichiti tava kuzvigona kunodana hosha inokanganisa goho inonzi muchirungu complacency.

Mamiriro akaita pepa remanyorerwo ebvunzo redu regwaro rechinomwe (grade seven examinations time table) anotipa mukana wekuita dzokorodzo yedu zvine ungwaru. Svondo rekutanga iro rinobva musi wa23 Gunyana kusvika Chishanu 27 Gunyana rinotakura mapepa ekutanga (paper 1) ega zvoreva kuti mapepa aya anotigozhera anova mapepa epiri tinowana mukana nekamwe kanguva kekuita gadziriro.

Zvinoreva kuti kutekaira kunenge kuchiita nguva tichinyora mapepa akapfava aya, kune rimwe divi tinenge tichigadzirisa paya patinoti pakatigozhera nevadzidzisi kuzvikoro kana neshamwari nehama kudzimba kumapepa epiri (paper 2). Ndinodaro nekuti ndiwo mapepa anotirigira pasi kubvunzo kunyanya kurondedzero nenzwisiso.

Kubvira tichitanga gwaro rekutanga makore matanhatu apfuura nguva yaingunotekaira pasina kunyatsoisa pfungwa panyaya dzebvunzo huru yekupedzisira. Zvebvunzo zvinozotanga kuonekwa kukosha kwazvo patinobata gwaro rechitanhatu apo tinenge tobvawo zera.

Hapana anenge ambozviongorora kuti ramangwana redu rehupenyu rinoburitswa mumasvondo maviri atichazonyora bvunzo. Zvese zvataishingirira mumakore manomwe aya zvinoshaya maturo kana tichinge tisina kubuda zvakanaka mubvunzo idzodzi dzatadai kutarisana nadzo.

Dai tose tichigara tasunga dzisimbe kubva tichitanga kwete kuzomirira kudzikaka mugore rekugumisira.

Tichangoramba tichorovera masoro zviri maringe nebvunzo kuti tisavarairwe imo mukutekaira kwenguva dzamara tinyore bvunzo redu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>