Zvikoro hokoyo: Mavima

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Zvikoro hokoyo: Mavima Mavima

Kwayedza

‘Rwendo rwuno tinopedzerana’: . . . Zvakabuda svondo rapera kuti zvimwe zvikoro zviri kudzinga vana vasina kubhadharirwa mari apo vamwe vanoenderera

Belinda Moyo

HURUMENDE ichatora matanho akasimba kuvakuru vezvikoro vari kudzinga vana vasina kubhadharirwa mari dzechikoro zvichitevera mashoko anoti kune vamwe vasiri kutevedzera zvayakataura zvekuti vana vanenge vasati vabhadharirwa mari havafanirwe kudzingwa.

Zvakabuda svondo rapera kuti zvimwe zvikoro zviri kudzinga vana vasina kubhadharirwa mari apo vamwe vanoenderera mberi nekudzidza.

Muhurukuro, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Hurumende ichatora matanho akasimba kuvakuru vezvikoro vasiri kuterera zvayakataura zvekuti vasadzinge vana vanenge vasati vabvisirwa mari.

“Matanho akasimba achatorwa kuzvikoro zvisiri kutevedza zvakataurwa neHurumende zvekuti vasadzinge vana chikoro. Sebazi redzidzo, tinoshushikana zvikuru nezvikoro zvisiri kutevedza zvatakataura zvekuti zvisadzinge vana vanenge vasina kubhadhara mari.

“Hatisati tawana mazita ezvikoro zvisiri kutevedza zvatakataura. Saka tiri kukumbira kune veruzhinji kuti vasavanze mazita ezvikoro zvakadai asi kuti vauye vamhan’are nekuti zvikoro zvinoziva zvakataurwa neHurumende.

“Zvikoro zvinozviziva kuti hapana chati chashanduka nekuti hapana zvimwe zvatakataura pamusoro penyaya iyi. Vari kungoda kuzama kuona kuti tinoita sei,” vanodaro.

KuBulawayo nedzimwe nzvimbo dziri kumativi mana enyika, vana vekuzvikoro zvine chitsama svondo rapera vakadzingwa vachinzi vaende kudzimba kana kuti vabude mumakirasi sechirango chekuti vainge vasati vabhadharirwa mari.

Prof Mavima vanoti mutemo weHurumende haureve kuti vabereki havachabhadharira vana vavo mari, asi kuti vanofanira kugara pasi votaura nevakuru vezvikoro, vowirirana hurongwa hwekuti mari yevana vavo vangaibhadhare sei.

“Zvikoro zvinofanira kuita hurukuro nevabereki vove nehurongwa hwekuti mari dzemafizi evana dzingabhadharwe sei. Vabereki vanofanira kuona zvekuita nedzidzo yevana vavo uye dzimwe nguva vanogona kutoendeswa kumatare edzimhosva kana vatadza kubhadharira vana vavo pane kuti vana vadzingwe chikoro nekuda kwemhosho dzevabereki vavo,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti katsika kari kuitwa nezvimwe zvikoro kekusaterera zvinenge zvataurwa neHurumende kanofanira kupera zvachose.

Hurumende itsva, vanodaro Prof Mavima, haizi kuita zvedambe mukuona kuti mitemo yatevedzwa zvizere.

Vanoti pachave nekugeda-geda kwemeno kune zvikoro zviri kuramba kuterera zvinenge zvataurwa neHurumende.

Share This:

Sponsored Links