Zvikoro zvicharamba zvakavhurwa

23 Sep, 2021 - 12:09 0 Views
Zvikoro zvicharamba zvakavhurwa Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza

ZVIKORO zvicharamba zvakavhurwa uye pachitevedzerwa zvizere matanho aripo ekurwisa chirwere cheCovid-19 zvichitevera kunyuka kwedenda iri mune zvimwe zvikoro apo zvakavhurwa.

Vadzidzi vakabatwa nedenda iri vashoma kana pachitariswa huwandu hwevadzidzi pazvikoro zvakasangana nedambudziko iri uye vazhinji vacho havana zviratidzo kana kuti vane zviratidzo zvishoma zvedenda iri.

Zvikoro zvakavhurwa nguva pfupi yadarika zvichitevera nguva ndefu zvakambovharwa apo chirwere cheCovid-19 chakanyuka kechitatu (third wave) izvo zvakaona vanhu vakawanda vachibatwa nedenda iri. Asi kwave nekunyuka nekupararira kwechirwere ichi mune zvimwe zvikoro, izvo zviri kuongororwa nekugadziriswa kuburikidza nematanho akaiswa zvikoro zvisati zvavhurwa.
Vanamazvikokota vezveutano vari kugutsikana nematanho ari kutorwa kurwisa kupararira kwedenda iri muzvikoro.

Vachitaura nemusi weChipiri chino mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti hapana chikonzero chekuti zvikoro zvivharwe sezvo nyaya dzeCovid-19 munyika pari zvino ishoma kana zvichienzaniswa nebudiriro yavepo mukurwisa chirwere ichi.

“Svondo rino, huwandu hwevakabatwa nechirwere ichi hwakawedzera kuenda pa1 669. Chikamu chedzidzo chakawedzerawo pahuhwandu uhu. Dare raona kuti pavadzidzi 4,6 miriyoni vari munyika yose, huwandu hwevabatwa nechirwere ichi vashoma chaizvo.

“Vese vakabatwa vari kurapwa nekuongororwa pachishandiswa matanho akaiswa ekudzivirira Covid-19 munzvimbo dzekudzidzira dzakasiyana-siyana muZimbabwe.

“Pamusoro pazvo, vazhinji vevadzidzi vacho havana zviratidzo kana kuti vane zviratidzo zvishoma zvechirwere ichi. Naizvozvo, Cabinet yawirirana kuti zvikoro zvicharamba zvakavhurwa. Vadzidzi vakapatsanurwa nevamwe nekuda kweCovid-19, vachatsvagirwa dzimwe nzira dzekuenderera mberi nedzidzo yavo,” vanodaro Senator Mutsvangwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>