Zvikoro zviri kuongororwa: Moyo

16 Oct, 2023 - 16:10 0 Views
Zvikoro zviri kuongororwa: Moyo Hon. Torerayi Moyo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yakaisa zvikwata zvinosvika zana mumatunhu ose munyika izvo zviri kuongorora maringe nenyaya dzekutyorwa kwemitemo muzvikoro, zvikuru nyaya dzekudzingwa kwevadzidzi nekuda kwekusabhadharirwa mari, kuita zvidzidzo zvinobhadhariswa zvisiri pamutemo nekukwidza mari dzechikoro zvisina mawirirano.

Izvi zvakataurwa negurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari VaTorerayi Moyo pachirongwa chekucherechedza zuva reWorld Literacy Day paSt Joh’s Chikwaka High School, kuGoromonzi.

World Literacy Day rinocherechedzwa musi wa8 Gunyana pagore nedonzvo rekusimbaradza nyaya dzekuti vadzidzi vagone kunyora nekuverenga.

“Takaisa nhengo dzedu dzinosvika 250 dzichange dzichitarisa vapari vemhosva muzvikoro, kusanganisira kurohwa nekuwaniswa nzvimbo kwevana vechikoro nenzira dzine huwori mukati. Hakuna mwana anofanira kudzingirwa mari dzechikoro kana kurohwa nekuti imhosva huru.

“Kudzinga mwana chikoro nepamusaka pekuti mubereki kana kuti muchengeti wake haana kubhadhara mari yechikoro kunomudzikisira nekuti anosekwa kana kunyombwa nevamwe oshaya chiremerera zvichizokonzera kuti mwana akundikane kubudirira mudzidzo dzake,” vanodaro.

VaMoyo vanokurudzira vabereki kuti vabhadhare mari dzechikoro nenguva uye kana vari kusangana nezvigozhero vaende kunoona vakuru vezvikoro vowirirana nzira dzavangaite kuti mari idzodzo dzibhadharwe pashoma nepashoma pane kuti vana varasikirwe nedzidzo.

VaMoyo (vane sutu) vaine vadzidzi vemuzvikoro zvasiyana

“Vabereki ngatikoshesei kubhadhara mari dzechikoro nekuti ndidzo dzinoshandiswa mumabasa ebudiriro yedzidzo yevana. Bumbiro remutemo wenyika yeZimbabwe rinotaura kuti imhosva kudzinga vana asi vabereki havafaniri kuzombunyikidza kodzero iyi nekuregedza kubhadhara mari dzechikoro zvachose nekuti dzidzo ikodzero yevana.

“Kune vana vane vabereki vanoshaya, chikamu cheBasic Education Assistance Module (BEAM) chakavambwa mugore ra2021 chiripo mukutsigira,” vanodaro.

Vanoti Zimbabwe ine mukurumbira wekugona nekuverenga uye pari zvino ichiri panhamba yepiri muAfrica apo Algeria iri pekutanga.

“Gore rapera, taiva pachikamu che96 percent panhau dzekugona kunyora nekuverenga uye tinovimba kuti hatisati tadzika kubva ipapo. Dambudziko rechirwere cheCovid-19 chakavhiringwa dzidzo yedu apo vamwe vakatosvika pakuroorwa munguva yelockdown sezvo vainge vakangogara kudzimba vasisaziva kuti zvikoro zvinovhurwa rinhi.

“Zvisinei, tinoti vana ivavo vachine kodzero yedzidzo nokudaro vanogona kuenderera mberi mushure mekubara. Hakuna mwana anofanira kurasikirwa nedzidzo nekuda kwepamuviri kana kuroorwa,” vanodaro.

Vanokurudzira zvekare vanhu vakuru avo vakarasikirwa nedzidzo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana kuti vapinde muzvirongwa zveAdult Learning Education.

Chirongwa ichi chakapindwa nevamiririri vezvikoro vakabva kumatunhu gumi enyika uye vakawaniswa mukana wekuratidzira hunyanzvi hwezvigadzirwa zvinosanganisira makeke, michina yemadiridziro, zvivezwa, zvirimwa, metal work nemidziyo yechinyakare.

Billy Rwodzi anova mudzidzi wepaMatoranhembo High, kwaZvimba, kudunhu reMashonaland West, uyo akagadzira muchina wemadiridziro (Remote Controlled Irrigation System) akapihwa mubairo weUS$100 naVaMoyo mushure mekunge vayemura ruzivo rwake rwunova rwunobatsira munyaya dzekurima.

Mukuru wechikoro cheSt John’s Chikwaka High, VaBrian Mandikutse, vanoti vanofara kuti vakabudirira kugashira vaenzi vakabva kumatunhu ose enyika uye kubudirira kwakaita chirongwa ichi.

Share This:

Sponsored Links