Zvikoro zvovandudzwa

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Zvikoro zvovandudzwa Prof Mavima

Kwayedza

Kudzai Chikiwa naSharon Chikowore
HURUMENDE yakatanga chirongwa chekuvandudza zvikoro zviri kufanodzidzirwa nevana kwenguva duku (satellite schools) zvinosvika 72 pa1 800 zviripo munyika yose nechinganwa chekuti vana vafundire pakakodzera.

Mashoko aya akaziviswa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, mudare reHouse of Assembly svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weZvishavane/Shurugwi (women’s quota) Cde Colleta Mutambisi.

Cde Mutambisi vaida kuziva zviri kuitwa neHurumende mukuvandudza zvikoro zvemhando iyi.

Prof Mavima vanoti zvikoro izvi zvakavepo kuti zvifanodzidzirwa kuitira kuti vana vawane mukana wekuwana fundo.

Vanoti chinangwa chezvikoro izvi ndechekuti vana vasafambe nzendo refu pakuenda nekudzoka kuchikoro.

“Tinotenda kuti mhando yedzidzo inobva pakufunda zvakanaka kwevana. Takavamba zvikoro izvi nechinangwa chekupedza dambudziko revamwe vana vaifamba nzendo refu kuenda nekudzoka kuchikoro,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti pane zvinofanirwa kunge zvichizadzikiswa kuti chikoro chizonyoreswa zviri pamutemo kuti chidzidzirwe nevana.

“Kazhinji, panofanirwa kunge paine mabhuroko emakirasi maviri, imba imwe chete inogara vadzidzisi nezvekushandisa zvakaita sezvimbuzi kuti chikoro chinyoreswe zviri pamutemo.

“Ndicho chikonzero ndichiti Hurumende iri kuvandudza zvikoro zviri kufanodzidzirwa izvi kuitira kuti zvizadzikise zvose zvinodiwa uye zvinge zvichinyoreswa zviri pamutemo,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti zvikoro zviri kufanodzidzirwa izvi pari zvino zvinenge zviri pasi pezvakanyoreswa zviri pamutemo uye chinangwa chiri chekuvhara mukaha uripo maringe nenyaya yekushomeka kwezvikoro munyika.

“Tinovapa teacher-in-charge (TIC) uyo anetenge ari murairidzi pachikoro chinenge chakanyoreswa zviri pamutemo uye mashandiro avo ose anenge achiongororwa nechikoro ichi,” vanodaro Prof Mavima.

Zvichakadai, kupasa bvunzo kwevana vari kudzidza kumasatellite schools kunonzi kwakadzikira zvikuru kudunhu reMashonaland West.

Mudunhu iri munonzi mune zvikoro zvemhando iyi 232 zvepuramairi ne197 zvesekondari izvo zvimwe zvacho zvinonzi mubvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzemuna 2017 na2018 hazvina kana mwana mumwe chete akapasa.

Zvimwe zvezvikoro izvi, sekutaura kwevakafanobata chigaro chemukuru wedzidzo mudunhu iri, VaGabriel Mhumha, zvine vana vakawandisa.

“Zvikoro zvedu zvakawanda zvemasatellite schools vadzidzi vacho havasi kubudirira mubvunzo dzavo nekuti hazvina zvekushandisa zvakakwana. Semuenzaniso, chikamu chekupasa bvunzo ne0 percent chinowanzowanikwa muzvikoro izvozvi,” vanodaro.

Gore rapera, Mashonaland West yaive nemasatellite schools 13 ayo akawana chikamu che0 percent mukupaswa kwebvunzo dzeGrade 7.

Ma0 percent aya akawanikwa kumadistrict anoti Makonde uko kwaive nezvikoro 4 zvisina kana mwana mumwe chete akapasa, Sanyati (1), Zvimba (6) apo Kariba neHurungwe zvaive nechikoro chimwe chete chimwe chete.

“Mubvunzo dza2017 Ordinary Level, takange tiine zvikoro 47 zvemasatellite schools – zvose puraimari nesekondari – izvo zvakawana ma0 percent pabvunzo,” vanodaro VaMhumha.

Mashonaland West ine zvikoro zvakawanda zvemasatellite schools.

“Zvimwe zvikoro zvemasatellite schools zvine vana vakawandisa vanodarika 1 000 kunyangwe zvazvo vakuru vezvikoro zvakadai vasingakwanise kupinzwa basa kuti vashande zvizere,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links