Zvimwe pamusoro peroora

24 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
TINODA kuti tisimudzire patakasiira muchikamu chapera apo takabata nyaya dzewanano. Takataura zvesunungurahomwe, makandinzwanani, matekenyandebvu, hotamiro nemapfukudzadumbu. Takabata zvakare nyaya yezvitsidzo, zvindakuda uye nduma.

Chikamu chasara chakatakura zvizhinji zvekuti tikatadza kuzvipedzeredza tinonhanhirazve muchikamu chetatu kuti tibva tapendera nyaya yewanano.

Mwanasikana ari kuroorwa ane mari yake yaanobvisirwa inonzi yekunhonga. Mari iyi anogona kuinhonga ainana tete, vakoma kana vanin’ina vake vozoigovana. Zvinonzi yake muroorwi yaanosara nayo ndeyekutenga midziyo yekunotangisa nayo imba yake semapoto nendiro.

Kunonzi kuroora chaiko kuri pamari yerusambo. Rusambo ndiyo mari inotaurwa nababa vemwana kuratidza kuti chokwadi mwana aroorwa nekudaro inenge yakawanda. Rusambo rwunogona kudaidzwa kuti rugaba kana kuti mabvunziraino.

Panozotaurwa nyaya dzemombe dzinotsika nedzimwe dzemari idzo dzinotarwa natezvara dzinonzi mombe dzedanga. Dzinotsika ndidzo dziya dzinouya dzichifamba. Kunouyawo mombe yehumai inopihwa amai vemwana aroorwa, baba vachipihwa yavo inotsika inonzi mombe yedanga.

Kana ambuya vemusikana ari kuroorwa varipo, mukwasha anobvisiswa mbudzi mbiri kana nhatu dzinonzi imbwazukuru. Baba vanozotaura mbatya dzavanoda kutengerwa nemukuwasha wavo dzinodaidzwa kuti majasi kana kuti mabhachi ababa. Amai vataurawo dzavo dzinonzi majasi amai.

Musi iwoyo mukwasha anotengeswa zvekudya zvinodyiwa pagungano riripo izvo zvinodaidzwa kuti mapasuru.

Kana tunhongwa twuzhinji twapera, panozobviswa mari yemauchiro kana kuti chumiyegusvi kuti mukwasha naatezvara vachiuchirana.

Pane pamwe panonetsa kuti kuroora uku kuite mutserendende nekuti panenge paine zvibinge zvakawanda zvekuti mukwasha anenge achifanirwa kuripa vana atezvara.

Dzimwe nguva mukuwasha anogona kunge ava kudzoka kuzoroora asi iye akaita zviya zvekumbotiza nekunogara nemwana wevanhu. Anobvisiswa mari inonzi yemhoyamusha.

Nyaya inokwira mutara kana mukuwasha achinge akapa mwana wevanhu pamuviri. Pakadai panodiwa mari yematyorwa kana kuti yepwanyaruzhowa.

Kana vatezvara vagutsikana, vakuwasha vanobva vapinzwa mumusha umo vanoomberana uye vanhu vachuidzana kuti hukama hwakamira sei.

Mukuwasha anoratidzwa tezvara vake vanova baba vemukadzi waaroora. Rimwe zita rinodaidzwa vatezvara naro rinonzi mukarabwa. Hanzvadzi dzemudzimai aroorwa dzinodaidzwa kuti vanatsano.

Ndima yedu haina kupera nekudaro tinoda kuti tizoipendera muchikamu chinotevera.

Share This:

Sponsored Links