Zvinodzikisira goho remurimi

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Zvinodzikisira goho remurimi

Kwayedza

Charles Munyoro —
TINOKUCHINGAMIDZAI varimi pachirongwa cheMudhumeni Mukuru apo tinokurukura zvimwe zvezvinhu zvinoderedza goho redu. Ishuviro yedu yekuti kurima ibhizimisi saka goho rinoda kuvandudzwa kuti tikwanise kudzokera kunorima mwaka unotevera.

Kusamera kwembeu zvakanaka:

Minda isina kurimwa zvakanaka, ine mavhinga asina kutsetseka, inotadzisa kuti mbeu idyarwe mugomba rakafanira (2-5cm) zvichienderana nerudzi rwembeu iri kudyarwa. Mavhinga anokonzera kuti mbeu imere apo neapo zvakasiyana-siyana pamwe pacho isingatomeri nekuti inogona kusara iri pachena imwe ichitodyiwa nehudyi hwakaita sembeva kana shiri. Saka varimi tinokukurudzirai kuti nzira yatasarudza yekurima ive inoita kuti mbeu yedu nefetereza zviiswe mugomba rakafanira zvisingabatanidzwe sezvo fetereza ichipisa mbeu.

Donzvo rekurimazve nderekuti tisanganise ivhu nemashanga akasara pakakohwa mbeu yemwaka wakapfuura, mbeu dzedu dzikure zvakanaka, kuuraya masora ari mumunda, uyezve kuuraya zvipembenene nezvirwere zvingadaro zviri mumunda.

Hunyoro hushoma hunogona kutadzisa mbeu kumera zvakanaka. Ngatidyarei mbeu yedu kana mvura yanaya yakawanda zvinopfuura 30mm mumazuva matatu akateedzana. Kune avo vane madiridziro, munokurudzirwa kudiridzira kuti mbeu yenyu imere zvakanaka. Mvura imwe inogona kurovera mbeu pasi dzotadza kumera, kunyanya ivhu risina kudzika nevhu riya rakaomarara. Ivhu jecha rinoda kugara richiwana mvura nguva nenguva sezvo risingagone kuchengetedza hunyoro saka zvinoda kuti tidyare nemvura ine huwandu hwatataura ichangobva mukunaya tisazopedza mazuva akawanda tisati tadyara.

Kupisa kwekunze kunogona kutadzisa mbeu kumera zvakanaka. Kupisa kunodiwa kuti chibage chimere zvakanaka i18 kusvika 21 degrees C. Kana kupisa uku kukadzika pasi pe13 degrees C, kumera kwechibage kunodzikira zvakanyanya. Kana kupisa kwekunze kwasvika pa10 degrees C, chibage hachichameri.

Kupisawo kwekunze kunodarika 40 degrees C, kunokonzera kufa kwechibage chinenge chamera.

Mishonga yesora inogona kutadzisa mbeu kumera kana tisina kuishandisa zvakanaka. Kana tikashandisa mushonga wakawandisa pane unokurudzirwa, mushonga usiri iwo kana kuti tikashandisa mishonga kunopisa nekusiri kunaya zvinogona kutadzisa kumera kana kupisa mbeu dzedu. Mishonga yesora yakakoshera kuti inovandudza goho redu ikashandiswa pakati pekudyarwa kwembeu kusivika masvondo masere mumunda musina sora. Masora anokwikwidzana nembesa kudya chikafu, anounza zvipembenene nezvirwere kumbesa dzedu.

Kushandisa mbeu dzisina kuuchikwa: Vamwe varimi vari kushandisa mbeu dzemudura pakudyara. Mbeu idzi dzinenge dzisina kuchegetwa zvakanaka zvinozotadzisa kumera. Mbeu iyi inogona kunge yakabviswa mumunda isina kusvika zvakanaka kana kuti yaora nemvura kana kuti yatsva zvakanyanya, zvose izvi zvichikonzera kuti mbeu isamere zvakanaka. Kurudziro yedu ndeyekuti tengai mbeu dzakauchikwa nenyanzvi yenyu Seed Co. Nekuti kuti Seed Co ndokuti mbeu. . .Kuti mbeu ndookuti Seed Co. Iyi mbeu ine humbowo hwekumera. Gore rino kune mvura yakawanda saka ngatishandisei mbeu chaidzo dzinoenderara nematunhu edu.

Kuiswa kwemafetereza:
Goho redu riri kuderedzwa nemaisiro atiri kuita mafetereza. Vamwe vari kuisa fetereza yepasi kana chirimwa chamera. Zvinoda kuti tiise fetereza yepasi nguva yatiri kudyara mbeu. Fetereza inoiswa kure kwembeu kuti isapise mbeu. Varimi vanokurudzirwa kuti vaongorerese ivhu ravo kuti vazive huwandu wefetereza inodiwa mumunda.

Kuvandudza goho nehuwandu hwembeu pandima:
Kuti murimi awane goho rakanaka, anofanira kurima mbeu inoenderana nedunhu rake. Matunhu edu anonaya mvura yakasiyana-siyana. Zvakadaro, huwandu hwembeu pachindima hunoenderana nekuwanda kwemvura mudunhu rega-rega. Heuno mufananidzo wehuwandu hwembeu yechibage hunoenderana nechindima chehekita:

Kana tichidyara mbeu yechibage kusinganaye mvura yakawanda ( region 4&5), ngatidyarei mbeu yeTsuro Sc 301 nembeu yeTsoko Sc 403, toshandisa huwandu hwepakati pe37 000 plants/ha ne44 000 plants/ha.

Kunonaya mvura iri pakati nepakati (region 2b ne3), ngatishandisei Mbizi Sc 513, Sc 533 neSc529, Shumba Sc 627, Sc 633 neSc 637 toshandisa huwandu hwe44 000 plants/ha kusvika pa55 000 plants/ha.

Kunonaya mvura yakawanda( region 1 ne2) ngatidyarei Shumba Sc 627, Sc 633, Sc 637 neitsva inonzi Sc 649 uyezve Nzou Sc719 neSc 727 toisa huwandu hwe55 000 plants/ha.

Ngatidyarei mbeu yedu nenguva.

KUTI SEED CO NDOKUTI MBEU. . .KUTI MBEU NDOKUTI SEEDC CO!

 —Charles Munyoro murimisi mukuru kuSeed Co uye anobatika pa: +263 772 243 480

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>