Zvipfuyo zvopera neshumba… Mombe 16 dzakadyiwa

13 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Luthando Mapepa

MOMBE dzinosvika 16 dzekunzvimbo yeManesa, kwaMambo Mutema, kuChipinge, dzinonzi dzakadyiwa neshumba dzainge dzatiza kubva kuSave Valley Conservancy.

Manesa iri kuWard 3 kumaruwa eChipinge. Varimi vakataurwa navo neKwayedza vanoti vave kugara vachitya zvikara zvesango izvi. Shumba idzi dzinonzi hadzisi kuuraya mombe chete, asi nezvimwe zvipfuyo zvinosanganisira madhongi nembudzi.

VaMuchini – avo vari mubhizimisi rekupfuya mombe – vanoti bhindauko ravo rinogona kudzoserwa kumashure sezvo ruzhowa (fenzi) rwunochengetedza shumba idzi rwakaparadzwa.

“Zvipfuyo zvedu zviri panjodzi yekuuraiwa neshumba idzi uye tatorasikirwa nezvakawanda kusvika pari zvino.

“Svondo radarika, mombe dzinosvika 16 dzakadyiwa uye nyaya yacho haisisina kumira zvakanaka nekuti shumba dzacho dziri kuberekana,” vanodaro VaMuchini.

Kanzura weWard 3 yeChipinge Rural District Council, Mai Rhoda Simango, vanoti vakazama kusvitsa nyaya iyi kune vebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority asi vakakundikana.

Kwayedza haina zvakare kukwanisa kubata veZimparks kusvika pakunodhindwa kwenyaya ino.

Share This:

Sponsored Links