ZVIRI MUGAPU: Imbonzwa kunaka kunoita nyama yehanga

03 Nov, 2022 - 09:11 0 Views
ZVIRI MUGAPU: Imbonzwa kunaka kunoita nyama yehanga Nyama yehanga

Kwayedza

naMuchaneta Chimuka

USAVI hwenyama yehanga kudya kunovaka muviri sezvo kuine mapuroteni anobatsira kurwisa zvirwere uye kuti muviri uwanikwe uchidziya.

Svondo rino Muzvare Zororo Taruvinga avo vanova nyanzvi pakukaringa pane imwe nzvimbo yekutandarira iri muHarare vanotsanangudza mabikirwo enyama yehanga.

Nyama iyi haina mafuta akawanda nokudaro inobatsira mukuderedza zvirwere zvakadai seBp zvinokonzerwa nekudya dzimwe nyama dzine mafuta akawanda.

Zvinodiwa:

Nyama yehanga, mafuta, munyu, mvura, poto kana pani nemadomasi

Mabikiro:

Fashaidza mvura yekuundura hanga yako, icheke woiisa mumvura inopisa uchiipindurudza kuti manhega ese abve.
Wundura manhenga ehanga. Igeze zvekusara yachena wozoicheka kuita zvidimbu zvidiki.

Chiisa chipunu chemafuta mupoto wokanga kusvika zvatsvukirira. Mushure mezvo, chekerera madomasi nehanyanisi wokanda pamwe nemunyu wakaringana.

Kana zvichinge zvaita muto wakakorerera, wedzera tumvura wosiya zvichikwata kwemaminitsi gumi nemashanu. Muto unofanira kusara wakakororera uye musaise godzamuto.

Zvekudyisa:

Nyama yehanga inodyiwa nesadza jena, remhunga, rezviyo, remapfunde kana mupunga une dovi zvichinaka zvikuru.

Munogonawo kuisa muriwo wemutsine, wekovho kana kuti bhinzi necheparutivi kuti zvifambirane.

Vamwe vanotanga vaiomesa kuita chimukuyu vozoibika.

. Sunungukai kutumira zvamunobika kusanganisira mavidhiyo panhamba dzinoti + 263 773394753 kana kuti 0713411281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>