Zviri mugapu: Imbonzwa manhuchu akaiswa dovi

15 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
Zviri mugapu: Imbonzwa manhuchu akaiswa dovi Manhuchu ane dovi

Kwayedza

naMuchaneta Chimuka

MANHUCHU ane dovi kudya kwechivanhu kunovaka muviri pamwechete nekupamhidzira simba.

Svondo rino, Problem Mutetwa wekuHwedza anotsanangudza mamwe mabikirwo emanhuchu.

Zvinodiwa:

Manhuchu kana kuti chibage chakadzvurwa, mvura yakachena, munyu, mafuta, dovi uye chikari.

Mabikiro:

Geza manhuchu achene woanyurura mumvura uchiisa muchikari.

Dira makomichi mashau emvura, kanda munyu wakaringana netumafuta kuti asatsviririre. Kana mvura yave shoma, isa zvipunu zvitatu zvedovi.

Chimona nemugoti kusvika zvasangana.

Siya zvishinyire kwemaminitsi mashanu.

Wozodii?

Kana zvadai chibura udye nemhuri. Manhuchu anodyiwa uchinwa nesvutugadzike, maheu kana zvimwe zvinwiwa uye imbuva yakakosha parwendo, kuchikoro kana kumabasa.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>