ZVIRI MUGAPU: Mabhonzo emombe kunaka!

15 Nov, 2022 - 13:11 0 Views
ZVIRI MUGAPU: Mabhonzo emombe kunaka! Mabhonzo emombe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MABHONZO emombe kana achinge abikwa zvemhando yepamusoro uye akaibva zvakanaka munhu unozviruma rurimi nekunakirwa.

Tinowana mapuroteni kubva munyama yemhando iyi.

Svondo rino Chef Livie vemuHarare vanotitsanangurira mamwe mabikirwo emabhonzo emombe zvine hunyanzvi.

Zvinodiwa:

Hadyana kana bhodho, mabhonzo emombe, munyu, mafuta, mvura, chipunu nemuriwo wemashizha

Mabikiro:

Geza nyama yako yemabhonzo.

Isa nyama iyi mubhodho remakumbo kana hadyana.

Isa twumafuta twushoma kuti asatsvire pasi.

Dira mvura yakawanda woisa munyu wakaringana.

Siya zvikwate uchiramba uchiwedzera mvura dakara zvaibva.

Usakanganwe hanyanisi kana madomasi, sanganisa wosiya zvakadaro.

Kanga muriwo wemashizha woisa parutivi.

Wozodii?

Kana mabhonzo aibva, nyama yacho

inenge yava nyore kudya.

Pakura udye nehama neshamwari.

Unogona kuadya akadaro kana nesadza remhando yaunoda.

. Onai Zvimwe pa: www.kwayedza.co.zw

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti: + 263 773394753 kana kuti +263 713411281.

Share This:

Sponsored Links