‘Zviri nani ndinzi ndakafa’

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Mathew Masinge
VANHU vaiva mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati aimbova murume wake haadi kuti vana vake vazive kuti mupenyu uye vanotofunga kuti akafa kare.

Stembiso Marowa akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akaendesa Stuart Mutizwa achida kuti mari yekuchengeta vana ava ikwidzwe kubva pa$150 kusvitswa pa$300 pamwedzi.

“Ini ndava kuda kuenda kuchikoro, vana vako vanoda munhu anosara navo saka ndinoda mari yekubhadhara musikana webasa,” akadaro Marowa.

“Ndichiri kutemwa dzinobva ropa, chekumiririra hapana, saka ndinoda wekusiira vana vako ini ndichizviitira upenyu hwangu. Handingatadziswe kupfimbwa kana kuenda kumafaro nekuchikoro nekuda kwevana vako.

“Murume uyu haadi kuti vana vake vazive kuti mupenyu, anohwanda-hwanda kune dzimwe hama dzake. Vana vake vanotofunga kuti akafa, anozviti ndakafa.

“Vana vake havatozive baba uye vatokura zvekuti akasangana navo mumumgwagwa anopfuudzana navo. Havazivane asi iye ari mupemyu,” akadaro Marowa.

Mutizwa akaudza dare kuti haakwanise kubvisa mari yaidiwa naMarowa

nekuti hapana chasanduka pamari yaanohora.

“Mudzimai uyu ari kukutambisirai nguva nekuti ari kutoda mari yekupenda nzara nekumeso kuti aonekwe nezvikomba. Ini handina chandinomupa, mari yandinomupa inokwana.

“Ndinoiwana kupi mari yaunotaura vana vangu vachiri vadiki zvekuti ndinotokupa yakawanda? Nadha,” akadaro Mutizwa.

“Zviri nani ndinzi ndakafa pane kuti ndibhadhare mari dzandisingazive kuti dzinochengeta ani.

‘‘Ane hunjire mukadzi uyu, anoda kundimora mari, handina imwe yandinomupa,” akadaro Mutizwa.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akarasa chikumbiro chaMarowa achiti hapana umboo hunoratidza kuti mari inotambirwa naMutizwa yawedzerwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>