Zvirwere zvinobata huku

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Zvirwere zvinobata huku

Kwayedza

BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwezvipfuyo, reVeterinary Services Department, rinoyambira varimi vanopfuya huku nezvimwe zviri muchikamu cheshiri kuti vagare vaine ruzivo pamusoro pemhando dzezvirwere zvinobata zvipfuyo izvi nekuti zvinorapwa nekudzivirirwa sei.Chiremba anoona nezvezvirwere zvezvipfuyo uye vari mutevedzeri wemukuru kubazi iri, Dr Chenjerai Nyagu, vanoti zvakakosha kuti varimi vadzivirire zvirwere muzvipfuyo zvavo.

Vanoti kune zvirwere zvakawanda zvikuru zvinobata huku, matoki, madhadha, hangaiwa nezvimwe izvo zviri muchikamu cheshiri.

“Mishonga iriko yakawandisa yekudzivirira huku nedzimwe shiri zvose neyekurapa. Zvinoda bedzi kuti vaya vane zvipfuyo izvi vagare vachitaura nemachiremba ezvipfuyo nevarimisi kumatunhu avanogara vobatsirwa.

“Pamusoro pezvo, kune makambani anotengesa mishonga yekudzivirira nekurapa uko kunowanikwazve ruzivo,” vanodaro Dr Njagu.1412-3-1-chicken-with-ammonia-burns

Zvirwere zvinobata huku zvinonzi zvinodarika zana zvichisiyana nzvimbo nenzvimbo. Izvi zvinosanganisira zvinokonzerwa neutachiona nekushaya kudya kwakakwana.

Zvimwe zvezvirwere izvi ndezvinoti fowl cholera, salmonellosis, mychoplasma, botulism, avian tuberculosis, new castle nefowl pox.

Fowl cholera idenda rinogona kubata huku pamwe chete nematoki nezvimwewo zvipfuyo zviri muchikamu cheshiri.

Chirwere ichi chinoonekwa nekurembedza mapapiro nekubuda dzihwa kwehuku uye dzichiita manyoka. Kana dzichinge dzafa, zvinoonekwa nekutsvuka kwakanyanya kwechiropa uye zviratidzo zvacho zvinosanganisira kuzvimba mitsipa dzichifa mushure menguva pfupi.1412-3-1-huku-fowl-pox

Huku dzine salmonellosis dzinoonekwa nekuita manyoka dzichitonhorwa uye dziine mapundu mumativi emiviri. Miviri yehuku dzine chirwere ichi inopererwa nemvura dzichirutsa nekuita madororo ane ropa.

Mychoplasma chirwere chinoonekwa nekutonhorwa kwehuku dzichikosora zvakanyanya uye dziine maronda pamiromo nemumusoro. Huku idzodzi dzinoitawo mabayo.

Botulism inokonzera kuti huku dzishaye simba mumakumbo pamwe chete nekuomarara kwawo. Pamusuro pezvo, mapapiro, mutsipa, maziso neganda rehuku zvinoomarara.

Chirwere cheAvian tuberculosis chinoonekwa nekudzikira kukuru kwehuremu hwehuku dzichiita manyoka machena akasangana netumakushe. Huku idzi dzinonyanya kuita nyota yakanyanya uyewo sheshe dzinodzikira pakukandira mazai. Dzimwe nguva dzinoita manyoka ane ropa rakawanda nekuda kwekukuvara kwechiropa.

Newcastle inoonekwa nekuomarara kwemapapiro nemakumbo uyewo huku dzinomonyeka mitsipa dzichihetsura, kukosora nekuita manyoka ane mvura. Dzinorembedzawo mapapiro nekudzikira pakukandira mazai.

Fowl pox inokonzera kuti huku dzidzikire pahuremu, dzichitadza kudya nekuomarara ganda. Dzinoitawo mhopo pamuromo nemumusoro izvo zvinogona kukonzera kupofomara kwadzo.

Dr Njagu vanoti mishonga yekurapa kana kudzivirira zvirwere zvose izvi inowanikwa muzvitoro zvinotengesa mishonga yezvipfuyo izvo zvakanyoreswa zviri pamutemo.

VaOwen Nyoni (49), avo vanova mukuru anoona nezvekutenga nekutengeserana mukambani inogadzira mishonga nechikafu chezvipfuyo, yeCapital Foods, vanoti chinangwa chavo ndechekutsigira varimi mukuchengeta zvipfuyo.

“Isu tinoti kuvarimi ngavazive mhando dzezvirwere zvinobata huku nekuti zvinodzivirirwe kana kurapwa sei. Zvose izvi zvinoitwa kuburikidza nekuongorora huku mazuva ose,” vanodaro VaNyoni.

Vanoti pane zvirwere zvinoshungurudza huku zvakawanda zvinosanganisa chikosoro, kutadza kukandira, chitosi, kuzvimba kwepasi pemakumbo nemaziso.

Huku dzinokandira, vanodaro VaNyoni, dzinokwanisa kubuda zvibereko kunze dzotadza kukandira zvakanaka.

Vanoti chirwere ichi chinorapwa nemishonga yemaronda pachishandiswa mvura inodziya pakugeza chibereko chinozosandudzirwa mukati kuti chidzokere panzvimbo.

“Huku dzinenge dzichirwara dzinopihwa nguva yekugara dzoga kuti dzisimbe dzichipihwa kudya kwakareruka kwakaita semashizha emuriwo neemichero. Mumazuva mashoma, dzinenge dzava nani dzodzoserwa mune dzimwe,” vanodaro.

VaNyoni vanoti chikosoro idambudziko guru kuhuku izvo zvinooneka nekuvhara kwadzo mhuno, kubuda dzihwa nekufemera pamusoro.

Zvirwere izvi vanoti zviri kuchikamu chinodaidzwa kuti bronchitis kana kuti coryza uye zvinopararira muhuku nenguva pfupi.

Vanotizve nzira huru yekudzivirira zvirwere izvi kutevedza zvinotaurwa nevarimisi nevanoona nezvekuchengetwa kwezvipfuyo, veVeterinary Services Department.

Dambudziko rekutadza kukandira kwehuku rinonzi rinonyanya kuonekwa nekufamba yakadonhedza mapapiro nebesu nekuvhara maziso. Chirwere ichi chinonzi chinouraya huku mushure memazuva maviri kana chikasarapwa.

Chirwere chechitosi, vanodaro VaNyoni, chinoonekwa muhuku nekuita madororo ane ropa nemanyoka, kunyanya kuhukwana.

Vanoti chirwere ichi chinokwanisa kudzivirirwa nekuita utsanana mumazumbu, nekuisa huswa pasi uye kupa huku kudya kwakanaka.

Nhata nezvikwekwe idambudziko kuhuku dzose iro rinoda kugadziriswa nenguva uye rinoonekwa nekukwenya-kwenya kunogara kuchiita zvipfuyo.

Mifananidzo iyi inotaridza huku dziri kurwara nezvirwere zvakasiyana zvinosangasirira chechitosi, ammonia burns, fowl pox nenew castle izvo zvinokwanisa kurapika pamwe nekudziviririka.

Mifananidzo iyi inotaridza huku dziri kurwara nezvirwere zvakasiyana zvinosangasirira chechitosi, ammonia burns, fowl pox nenew castle izvo zvinokwanisa kurapika pamwe nekudziviririka.

Varimi vanokuridzirwa kushandisa mishonga yakaita semalathion netrichlorphon mukuuraya nhata netumwe tupembenene.

Kuzvimba nekusviba kwepasi petsvarapasi idambudziko rinobata huku zhinji. Chirwere ichi chinonzi chinokonzerwa nekunyorova kwemuzumbu nguva zhinji izvo zvinoita kuti zvitsiko zvehuku zviite maronda.

Nekudaro, varimi vanokurudzirwa kuti vagare vakaisa huswa hwakaoma mumazumbu avo.

Chando rimwewo dambudziko guru rinosangana nevarimi vanochengeta huku uye dzinoonekwa nekutsvukuruka kwemichochororo yadzo dzichiratidza kurwara.

Danho guru pakupedza dambudziko iri, mazumbu anofanirwa kupinda mhepo yakawanda kuti mwando wechando ubude.

Kana huku dzichiri diki, varimi vanokurudzirwa kuona kuti muzumbu muri kudziya kuburikidza nekushandisa nzira dzakasiyana dzakaita sekuisa mbaura asi zvisina njodzi kunhiyo dzacho.

Kuzvimba maziso ehuku chirwere chinonetsa zvikuru munguva yose yegore izvo zvinoita kuti dzivharike maziso achibuda mvura dzoguma dzapofomara. Dzimwe nguva maziso anotanga nekutsvukuruka achiita hurwa ozovharika.

VaNyoni vanoti kuvharika kwemaziso uku kunokonzerwa nemweya weammonia unenge uchiungana nekushaikwa kwemhepo neutsanana hwakanaka muzumbu. Dzimwe nguva dambudziko iri rinokonzerwa nechirwere chinonzi coryza. Nekudaro varimi vanokurudzirwa kugara mazumbu ehuku akaoma.

Mishonga inorapa chirwere ichi nekuchidzivirira inonzi iriko, iyo inoiswa muchikafu kana mumvura yakachena huku dzonwa.

VaNyoni vanowedzera vachiti denda regurokuro muhuku rinonetsawo zvikuru izvo zvinonzi zvinokonzerwa nekusafamba zvakanaka kwekudya mumuviri wehuku. Varimi vanokurudzirwa kupa huku dzavo mvura inokwanirama nguva dzose nekudzipawo mishonga yemaVitamins.

Pane dzimwe nguva, chikafu chinovhara huro chotadza kufamba zvakanaka.

Huku idzi dzinonzi dzinogonawo kupihwa mafuta ekubikisa nemvura dzonwa sezvo izvi zvichinzi zvinobatsira kuti kudya kunenge kwarambira pahuro kufambe nyore.

Vanamazvikokota vezvipfuwo vanokwanisawo kuvhiya nzvimbo inenge yaita dambudziko iri huku dzotorarama.

Chirwere cheganda remumakumbo chinonzi chinonyanyobata munguva yeZhizha nekuda kwehunyoro kana kuti mazumbu asingashambidzwe zvakanaka. Huku dzinoita mapundu nekufunuka makumbo achireruka, chinova chirwere chinonzi chinonetsa kurapa.

Kune mishonga inoshandiswa kurapa chirwere ichi inosanganisira kuisa parafini mumakumbo aya kana inonzi linseed oil, zvichiitwa kwemazuva akawanda.

Zvakadai, VaNyoni vanokurudzira varimi kuti vaunze zvirimwa zvinosanganisira mapfunde, mhunga, chibage, soya bhinzi nezvimwewo kukambani yavo iri kuMsasa, muHarare izvo zvavanogadzirisa kudya kwezvipfuyo.

 

Share This:

Sponsored Links