Zvisasa rudzii zvakadaro?

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:

Nhai Sekuru, ndakangomera zvimapundu pasikarudzi zvakaita sechisasa. Ndakambobvunza umwe munhu akati, pane munhu anondichiva, zvinopera kana ndikarara naye. Asi handina kutora pfungwa iyoyo. Pandinokwenya, ganda repamusoro rinobva rabva pouya idzva rotsemuka-tsemuka.  Ndoita sei?

 

MHINDURO:

Chekutanga muzukuru ndinoti wakagona kusatora pfungwa yekuti urare neainzi ari kukuchiva. Hakuna zvakadaro, waiguma wapa chirwere ichocho kumunhu iyeye. Kune zvirwere zvakasiyana-siyana zvinounza “rush” panhengo dzevanhu, murume kana mukadzi. Syphilis, genital rush, candiosis rush nezvimwe zvakadaro.

Saka iwe nevamwe vane dambudziko iri, onekwai nachiremba poitwa ongororo kuti chirwere rudzii chakonzeresa rush iyoyo, morapwa nemishonga yakakodzera. Unorapwa nemunhu ane matsamba ekurapa. Kozouya kune vanorota vachiita bonde muhope, imwe rush inokonzerwa neizvozvo, kana kuswinyiwa kusikarudzi. Izvi zvakare unorapwa kuchivanhu nemachiremba ane matsamba.

 

. Bvunza Kwayedza panhare dzinoti: 0714 200 007 kana 0775 421 949

Share This:

Sponsored Links