Zviyo, mupunga nemapfunde

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
MAKAREKARE vanhu vaigara vakagwinya pasina nhaurwa yekuenda kuzvipatara pese pese nokuti vaidya kudya kwaipa utano uye kwavairima nekugadzira vega vasingasvuuri sezvotoona mazuva ano.

Nekuuya kweruzivo rwembesa, vanhu vakatanga kurima mhando dzezviyo dzakasiyana. Kune mhando dzinokwana shanu kana kuraudzira dzezviyo kana kuti rukweza. Kune zviyo zvinonzi matangatsapi. Iyi imhando isingatani kusvika kana kuibva nokudaro ndirwo rwunotanga kuiswa mutsapi kana mudura. Muduura imwe mhando yerukweza urwo rwunoti kana rwaibva rwunopfumbata sechibhakera. Rwune hundi yakawandisa kupfuura dzimwe mhando dzose.

Garinhi kana kuti gwezere zviyo zvinowanda uye zvine huro dzinosunga serusero. Kune kamwe kazviyo kaduku katsvuku kasingaite hundi yakawanda kana dzinde guru. Kazviyo aka kanonzi nhuri. Nyiminya kazviyo kadiki zvakare kanobikiswa biti rinotapira zvikuru. Biti rekanyiminya rinoita furo rinonyiminya.

Kunze kwedoro, zviyo zvinobikiswa bota nesadza rinonaka samare.

Ruzivo rwembeu rwakaramba rwuchikura kudzamara vanhu vorima mupunga mumatimbwa kana kuti mumatoro. Nanhasi mupunga unorimwa munzvimbo dzinonaya mvura yakawanda. Munorimwa mupunga hamusi nyore kushandira nekuti munonyudza nemadhaka uye munoita majekacheka anocheka. Mupunga unowanikwa pamhando ina. Kune unonzi mutirigu unogona kunge uri mutema kana muchena. Unozivikanwa nekuti kana waibva unomira kuti twii. Dembaremba mupunga une dzinde detedete uye unokotamisa hura hwawo kana waibva. Kune mumwe mupunga usingatani kusvika. Uyu unotyora mutsipa kana kukotamisa hura kana waibva sedembaremba asi dzinde racho rakati simbei. Mupunga uyu unonzi kapangure kana kuti chidamare.

Wekugumisira unonzi munyai. Uyu mupunga unosiyana nemimwe yose nekuti une minzwa, hautane kukuhumuka padzinde rawo uye unokurumidza kuibva.

Tine mhando yemapfunde inonzi monga.  Aya mapfunde ane kunze kwetsanga kuchena uye anoita hupfu huchena. Anozivikanwa nezigunde zirefu. Mapfunde monga anosiyana netsveta iyo ine kunze kwetsanga kutsvuku uye hupfu hwacho hutsvuku. Kunewo mapfunde anonzi mukadzidzoka. Aya haatani kuibva, ane gunde netsanga pfupi uye anoita hupfu hutsvuku.

Chigwadara mapfunde ane gunde pfupi, tsanga nhema nehupfu hwakatsvukuruka.

Share This:

Sponsored Links