Akabatsira murume kubhinya kamwana

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Akabatsira murume kubhinya kamwana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUKADZI nemurume vekwaSeke vakamiswa mudare redzimhosva vachipomerwa kubatsirana kubata chibharo kamuzukuru kemudzimai uyu, ako kane makore 10 ekuberekwa. Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Yeukai Chigodora, akati vaviri ava (mazita avo hatibuditsi kuitira kuchengetedza mumhan’ari), vekubhuku rekwaMajonga, kwaSeke, vatumirwe matsamba ekusungwa (warrant of arrest) sezvo vasina kuenda kudare mushure mekunge vabhadhariswa bhera reUS$50 pavakambopinda mudare iri.

Vasungwa vaviri ava vanopinda chechi yeJohane Marange uye mumhan’ari mwana wehanzvadzi yemudzimai uyu, uyo anove musungwa zvakare.

Muchuchisi Loveti Muringwa akaudza dare kuti pazuva risingazivikanwe nedare asi muri mumwedzi waChikunguru gore rapera, mumhan’ari akaunzwa kwaSeke navatete vake achinzi aizoendeswa kuchikoro.

Mushure memazuva mashoma pakati pehusiku, mumhan’ari anonzi akatirimuka kuhope apo murume watete vake akange ari kumubata-bata achiedza kumubvisa chipfeko chake chemukati achibva aridza mhere iyo yakaita kuti tete vake vamuke.

Mumhan’ari anonzi ainge akarara mukamuri imwe chete nevasungwa ava sezvo pamba apa vachishandisa kamuri imwe.

Tete vake vanonzi pavakamuka, vakabatidza mwenje wenhare yavo kuti vaone kuti chii chakange chichiitika vakabva vataurira mwana uyu kuti anyayare vachiti vaizomurova zvakasimba kana akangoridza mhere. Pamusoro pezvo, vanonzi vakabva vamuka pamubhedha wavo kwave kubata mawoko emumhan’ari zvine simba apo murume wavo aibata mwana uyu chibharo pasina dziviriro.

Muzuva rakatevera mangwanani, tete ava vanonzi vakaudza mwana uyu kuti asataurire kana munhu nezvenyaya iyi asi kuti azvizivire mumwoyo make kuti akange atove mudzimai wemurume wavo.

Muzuva risingazivikanwe zvakare asi uri mwedzi waGumiguru manheru, murume uyu anonzi akamuka pakati pehusiku ndokubata mwana uyu chibharo zvakare.

Mumwedzi waMbudzi munguva dzemasikati, mwana uyu anonzi akatumwa natete vake kuti anotora munyu mumba ivo vakamira panze achibva ashamisika kuwana mumba muine murume wavo ari musvo.

Murume uyu anonzi akabatazve mwana uyu chibharo.

Gure iri rinonzi rakazobuba pachena nomusi wa31 Zvita gore rapera apo mwana uyu akadzingwa pamba natete vake vachimupomera kuba 20c yeBond note.

Mwana uyu akabva anopotera kumba kwamumwe mudzimai anonzi Bianca Motsi.

Muzuva rakatevera, anonzi akamuka achienda kumba kwaAbigal Dhlodhlo anove mushandi anoona nezvevana (child care worker) uko akanotsanangura nezvekubatwa kwake chibharo zvikaita kuti vaviri ava vasungwe.

Mwana uyu akaendeswa kuMarondera Provincial Hospital uko akanovhenekwa uye matsamba ekwachiremba akamuongorora akaburitswa mudare seumboo.

Tete vemwana uyu nemurume wavo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi vachiti havaikwanisa kuti vabatsirane kumubata chibharo sezvo vachigara mukamuri imwe chete yemba nemumwe mudzimai mudiki wemurume uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>