Akaigochera pautsi

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Akaigochera pautsi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYAKUTYORA gwaro rerunyararo rainge rambotarwa nedare akazvisikira moto muziso sezvo akazotongerwa kubvisa faindi ye$100 nedare reChitungwiza Magistrates’ Courts uye kukundikana kwake aizonodya refovhoro kwemwedzi wose. Trymore Justine (36), wepanhamba 17772 Unit L, kuChitungwiza akamira pamberi pemutongi Lazraus Murendo ndokukonwa nemhosva.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa19 Nyamavhuvhu gore rino, mumhan’ari Mineji Rarafia wepanhamba 15477 Unit “F”, Seke akakumbira dare kuti rimupe magwaro anomuchengetedza kubva kuna Justine uyo aigara pamba pemwanakomana wake kuUnit L.

Magwaro aya akange aakumbira mushure mekunge arohwa naJustine mumwedzi waKubvumbi gore rino.
Zvisinei, nomusi wa27 Gunyana munguva dzemangwanani, Rafaria akaenda kumba kwaJustine achida kunotora mari yake yerendi apo aiperekedzwa neshamwari yake, Munetsi Kasheedza, anove mufakazi panyaya iyi.

Nekutya kuti Justine aigona kuzomurova zvakare, akabva atuma shamwari yake iyi kuti ibvunze kuti akange asiirwawo here mari yake nemumwe wemaroja.

Justine akabva abvunza Kasheedza kuti akange atumwa nani kuti amubvunze izvozvo achibva amupindura kuti akange aperekedza Rafaria kuzotora mari yerendi.

Akabva atangisa kuita hasha achibva arova Rafaria achimuti ane zvikwambo nokudaro aitoda kumuuraya chaiko.
Mushure mekuona kuti mutambo wainge waipa, vaviri ava vakatiza kubva pamba apa.
Dare rakaona kuti kuburikidza nechiitiko ichi, Justine akatyora mutemo wegwaro rekuchengetedza runyararo iro raakambopihwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>