akakandirwa katsi, tsvimbo muhofisi

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
akakandirwa katsi, tsvimbo muhofisi

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso —
MURUME anogara kuBluff Hill, muguta reHarare – wekudanana nemudzimai wemuridzi – akazowana pamusiwo pehofisi yake yekubasa paine katsi, tsvimbo netsamba yaimuvimbisa rufu.

Munyaya yava kudare redzimhosva reHarare Civil Court, Abel Mukangazeni akamhan’arira Maxwell Mandimuse achimupomera mhosva yekumutyisidzira nerufu.

Mukangazeni akaudza dare kuti ave kugara achitya zvichitevera kitsi, tsvimbo netsamba zvaakafumowana zviri pamusiwo wehofisi yake kubasa.

Anoti tsamba iyi yaive yakanyorwa mashoko anoti, “Abel wava pedyo nekufa, mufundisi wako haana basa, unofanira kubhadhara zvipere ndini Muchawa.”

Mukangazeni anoti Mandimuse ndiye chete akaita izvi sezvo ari iye waakambonetsana naye nguva yadarika.

“Hakuna kumwe kwandinofungira kuti kungave kwakabva tsamba iyi kunze kwekuna Maxwell nekuti ini handina mumwe munhu wandakambonetsana naye muBluff Hill. Chikumbiro changu ndechekuti dare rimudzivise tsika iyi,” akadaro.

Akaenderera mberi akati: “Akauya kubasa kwangu akasiya kitsi dzake netsvimbo pamusiwo wemuhofisi mangu. Zvinondityisa nekuti mutsamba iyi akandivimbisa rufu.

“Kana zvichibvira ndinoda kuti pandinofa pacho andivige iye nekuti zviri pachena kuti ndiye anenge andiuraya. Nyaya iri kunetsa ndeyekuti ndakambodanana nemukadzi wake saka iye ave kuda kundiurayira izvozvo.

“Mambo wangu, ndinokumbirawo kuti murume uyu adziviswe nedare arege kundishungurudza kana kutaura neni.”

Achipawo divi rake, Mandimuse akapokana nezvaitaurwa naMukangazeni achiti haana kumbobvira amushungurudza kana kuisa katsi, tsvimbo netsamba pamusiwo wehofisi kubasa kwake.

“Murume uyu kutouya kudare kwaari kuita achikumbira gwaro redziviriro kutya kuti ndingangomurova rimwe zuva nekuti ari kuziva mhosva yake. Akambodanana nemudzimai wangu pamazuva avakamboshanda vose. Inhubu uyu, anoita basa rekutora vakadzi vevanhu,” akadaro.

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vadzoke kudare munguva inotevera kuti vazonzwa mutongo wavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>