Akatibura mukadzi padare

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
Akatibura  mukadzi padare

Kwayedza

Hardway Nyakuwarwa
MURUME wekunzi anoputa mbanje, uyo akawatsura mukadzi wake nembama vachangobuda mudare, akazozvidemba apo akasungwa nemapurisa ndokuvharirwa nemhosva yekuita mhirizhonga pamatare.

Obvious Nyakwedzwa akatibura mudzimai wake Tsitsi Shingai Guru nembama nhatu zvichitevera mutongo wakange wapihwa nedare reHarare Civil Court wekuti abvise $110 yemendenenzi pamwedzi yekuchengeta vana vavo vaviri.

Mushure mekunge mutongi Trevor Nyatsanza atura mutongo uyu, Nyakwedzwa naGuru vakabuda mudare iri apo murume uyu akatanga kudya marasha ave panze.

Akabva awatsura Guru nembama nhatu dzakasimba kumeso.

“Mari iyoyo hamuioni nekuti majaira kudya zvemahara,” akadaro Nyakwedzwa achipupira nehasha.

Guru akazorandutsirwa nemapurisa ayo akabva akanda Nyakwedzwa muchizarira akamirira kuendeswa kukamba yemapurisa yeHarare Central Police Station.

Vachiri mudare, Guru akati aida $150 yekuchengeta vana vavo.

Akati Nyakwedzwa haana kana kobiri raakabvisa seroora kumba kwevabereki vake nokudaro izvi zvaimudya moyo zvakanyanya.

“Changamire wangu, murume uyu aindirova nguva dzose uyezve munwi wehwahwa hwerudzi rweZed. Anoputa fodya yembanje kana nechii zvacho chinodhaka ndozvinoshanda mari yake.

“Haachengeti vabereki vake chaivo. Amai vake, vamwene vangu, ndivo vakatonditi ndiuye kuno kuti awane kuriritira vana vake. Ini semunhu anozvibatira ndichiruka zvave kutondiremerawo,” akadaro Guru.

Nyakwedza akapokana naGuru achiti aimunyepera. Akati haamurovi uye chaitonetsa pakati pavo inyaya yekutiza kwaakaita nevana achinovapa amai vake.

“Ini handirovi vanhu uyezve mukadzi uyu ndiye akanditiza ndokutora vana vangu kuvaendesa kumusha kuna amai vake saka nokudaro handigoni kuripira mari yekuti adye zvake nezvikomba zvake,” akadaro Nyakwedzwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>