‘Anondirova nemapoto’

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
‘Anondirova nemapoto’ court

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe murume akaburitsa mapoto maviri aanoti ndiwo anoshandiswa nemudzimai wake kumurova mumusoro uye ndokuti mapoto mazhinji ekumba kwavo haachashandisike sezvo akafonyoka apo anorikitwa nawo.

Charles Gurende akaudza dare reHarare Civil Court kuti ashaiswa rugare nekurohwa nemapoto naLisa Tapera, kunyangwe zvazvo panenge pasina chaamutadzira.

“Changamire wangu, ndiri kuda kuti mudzimai wangu aregedze kundipopotera pasina chandatadza uye aregedze kundirova nemapoto nekuti ndanzwa nekurohwa musoro nemusana,” anodaro.

Gurende akabva aburitsa umboo hwemapoto aanoti anoroveswa nawo nemudzimai wake mudare.

“Ndatouya nemapoto maviri aya pamberi pedare asi haasiriwo chete, mazhinji haachashandisika nekuda kwekurohwa kwandinoitwa nawo nemudzimai uyu,” anodaro Gurende achitaridza mapoto maviri eruvara rwesirivha.

Achipawo divi rake, Tapera anoti anozorova Gurende nemapoto nekuti ndiye anomutanga uye anenge ava kukurirwa mukurwa kawavanenge vachiita.

“Ari kungotaura zvandinomuita chete achisiirira zvake zvekuti ndiye anondidzinga pamba, ndikaramba anotanga kundirova achindidzipa. Zvino ini ndava kuziva hunhu hwake, saka akangotanga ndinobva ndatora mapoto nekuti ndakatoona kuti ndikasadaro ndingafe,” anodaro Tapera.

Anoti Gurende anopota achimumhanyisa nebadza achida kumurova achitaura zvisina kufanira.

“Chikumbiro chaunzwa kuno ndini ndinotofanirwa kuchipiwa nekuti iye ndiye anotondimhanyisa nebadza achiti ndibve pamba, ndiende kunogara nechikomba changu. Asi ini handina chikomba uye anonditukirira nezvinyadzi,” anodaro Tapera.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Gurende gwaro rerunyaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>