Anoparidzira zvehiv yemudzimai wake

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
MURUME wekuparidzira kune veruzhinji kuti mudzimai wake ane chirwere chemukondombera akaudza dare kuti zvisinei nehunhu hwake uhu, achiri kumuda.

Jenifer Rupiya akadhonzera Clever Phiri kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza kuburikidza nekumurova, kumutuka pamwe nekutaurira veruzhinji nezvekurwara kwake neutachiona hweHIV.

“Ishe wangu, murume uyu andirwadzisa zvekuti kana zvichibvira ngaanditaurire kuti haachandida ndizive hangu kuti ndonanga kwangu. Paakanditora ainyatsoziva kuti ndinorwara neutachiona asi akandiudza kuti ndinokuda zvakadaro. Iye zvino apanduka, ave kundituka pamberi pevana achiti ndinoita bonde nevandinoshanda navo kubasa.

“Pamusoro peizvi, murume uyu anotaurira mwana wangu kuti haasi mwana wake asi vakanga vachigara zvakanaka. Iye zvino ndave kugara ndichitya kuti mwana anogona kungomuka azvisungirira nekuti ini amai vake ndakanga ndisati ndamuudza kuti anababa vakewo vasiri ava. Zvinhu zvaanga asingafanire kuudza mwana asina kunditaurira,” akadaro Rupiya.

Akati Phiri haachengete mhuri uye haana rukudzo nevabereki vake.

“Murume uyu haana kana hanya nehama dzangu. Kana achitaura naamai vangu anoita kunge ari kutaura nemuramu wake zvinove zvinhu zvinondirwadza kwazvo,” akadaro Rupiya.

Phiri akabvuma kuti anoshambadzira hurwere hwaRupiya kuhama dzake zvisinei kuti anoti achiri kumuda.

“Ini ndiri murume wake wechitatu asi ndini ndatogara naye kwenguva yakareba anove makore makumi maviri nematatu. Asi kana iri nyaya yekutambudzwa, ini ndini nditori munhamo nemukadzi uyu pamwe nemwana wake.

“Mumwe musi vakandivharira muimba yedu yekurara vakandirova. Pandakadana mufundisi ndichida kuvaudza kuti ndizvo zvakange zvaitika vakabva vatiza.

“Kana zviri zvekumurova, mukadzi wangu anonyepa anonyatsoziva kuti ndinomuda asi kungoti nyaya yehurwere hwake ndiyo iri kunetsa nekuti ndakaudza hama dzangu kuti mukadzi wangu ari pachirongwa,” akadaro Phiri.

Mutongi Barbra Mateko akapa Rupiya gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>