Anorova mukadzi ari musvo. . . nekumudira mvura inopisa

21 Jul, 2016 - 12:07 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
IMWE chembere yakasvimha misodzi kuchema mudare ichiti iri kushungurudzwa nemurume wayo uyo anoibvisa hembe, oidira mvura inopisa pamwe nekurohwa kana ichange yaramba zvemumachira. Tracy Kangandu akamhan’arira Temba Moyo kuHarare Civil Court. Akaudza mutongi wedare iri, Trevor Nyatsanza, kuti: “Ndashungurudzwa zvisina akamboona. Kwemakore 27 kusvika nhasi, ndinongogarira vana chete, handina mufaro mumba nekuchembera kwandaita kuno.

“Anondibvisa nhumbi dzose ondirova ndisina kupfeka uye ndinodirwa mvura inopisa kunge huku inoda kuundurwa. “Akandidzinga pamba, ndokukiya gonhi tiri panze nevana tikarara husiku hwose ndokuzopotera kwatete.”

Achipawo divi rake, Moyo akati mukadzi wake anomuda asi vanogara vachinetsana nenyaya yekuti anomunyima bonde. “Kutaura chokwadi ini mukadzi uyu ndinomuda zvisina kana ani akamboita.

‘‘Asi chinonetsa ndechekuti hapana bonde kwemakore 10 saka hamheno kuti anenge achida kuti ndigare sei ndiri munhuwo,” akadaro Moyo. “Anoita basa rekuenda kuJubheki (South Africa) zvisina mvumo yangu ouya ondinyima bonde saka handizozvinzwisise.”

Kangandu akati anoramba kupinda nemurume wake mumachira nekuti Moyo ane shamwarikadzi dzakawanda. “Ndinoramba nokuti anoita zvekukecha shamwarikadzi dzehusiku. Akambodanana nemumwe musoja akafa nechirwere, ndipo pane nyaya yose iyoyi. Ndikaramba anobva andidira mvura inopisa nekundirova ndisina kupfeka,” akadaro Kangandu.

Mutongi Nyatsanza akabvunza Kangandu kuti ainge achiri kuda kudzokera kumba kwaakadzingwa here ndokuti kwete, ave kuda zvekugara oga nevana. Mutongi Nyatsanza akapa Kangandu gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>