Anotiza murume muna Chikumi wega-wega

25 Jul, 2016 - 15:07 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso

MUDZIMAI wekunzi anotiza murume wake pamwe chete nemwana mumwedzi waChikumi gore roga-roga apo anoenda kusingazivikanwe akaudza dare kuti anenge achida kumbozorora kushungurudzwa kwaari kuitwa nemurume uyu.Max Nyoni wemuHarare akamhan’arira mudzimai wake, Dessy Musonza, kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekutiza kumba pamwe chete nemwana.

“Mukadzi wangu anogarotiza pamba gore roga-roga mumwedzi waChikumi. Handizive kuti zvine mweya wetsvina here nekuti pose paanotiza anonogara kwandisingazive,” akadaro Nyoni.

“Mudzimai wangu ane pamuromo, anogaronetsana nevavakidzani vangu zvekuti ndinenge ndave kunyara zvino handizivi kuti ndekupi kwatingagare kusina vavakidzani. Ndinomutsiura asi iye haanzwe.”

Nyoni akati kana hama dzemudzimai wake hadzinzwisise zvinoitika kwaari.

“Nguva yadarika ndakafonera vakoma vemudzimai wangu kuti vauye tiedze kugadzirisa nyaya yekutiza kwaDessy sezvo ainge atiza nemwanasikana wangu ane makore mashanu. Ndinotya kuti pamwe mudzimai wangu anenge achigara mumastreets saka ndaida kuti mwana wangu aende kunogara namaiguru vake ndichimuriritira ari ikoko,” akadaro Nyoni.

Musonza akaramba zvose zvakataurwa nemurume wake achiti anotiza pamba nekuti anenge achishungurudzwa.

“Baba ava vanondituka nekundirova pamberi pevana zvekuti vakange vatanga zvekupopota vana vose vanototiza. Ndinotombofunga kuti ane mweya yetsvina nekuti haandione semukadzi wake saka zviri nane ndizvigarire ndega. Pari zvino ndave kutorwara neBP nekuda kwake,” akadaro Musonza.

“Ini ndine vamwe vana vandinavo vandinofanira kuchengeta nekuti ndakanga ndakamboroorwa murume wangu akashaya. Zvino murume wangu uyu anonditi ndisachengete vana ivavo ndingochengeta mwana watakabereka tose.”

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati vaviri ava vadzoke kudare zvakare apo kutongwa kwenyaya yavo kunenge kuchienderera mberi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>