Bhizimusi rehuku rosimudzirwa

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Bhizimusi rehuku rosimudzirwa

Kwayedza

BHIZIMUSI rekupfuya huku muZimbabwe rinotarisirwa kusimukira zvikuru zvichitevera mushandirapamwe wekambani yemuno yeConband Private Limited neSuper Grand Agric Feed yekuSouth Africa wekuwanisa varimi chikafu pamwe nemisika yekunze yekutengesera huku dzavo.

Vachitaura pamusangano wakaitwa pamahofisi eCommunity Technology Development OrganisationkuWaterfalls, muguta reHarare svondo rapera VaCuthbert Sebaenq avo vanove mukuru weSuper Grand Agric Feed vakati vanoda kupinda munyaya dzemakondirakiti nevarimi kuti vange vachirima chikafu chehuku vachizovatengera nemutengo wepamusoro.

“Kambani yedu yakatanga mugore ra2010 uye basa redu guru nderekugadzira nekutengesa chikafu chezvipfuyo zvisinei nekuti panguva ino tiri kunyanya kutarisana nechikafu chehuku.

“Tiri kuda kutenga matani 50 000 kana kudarika echikafu chehuku kubva kuvarimi vemuno kana mabhindauko aya achinge abudirira kuparurwa mumwedzi unotevera,” vakadaro.

Vanoti vachiri kuita hurukuro neHurumende yeZimbabwe kuti vange vachipihwa mvumo yekutangisa bhizimusi iri nevarimi.

“Hatisi kuda kurozva varimi vemuno asi kuti tinoda kuvasimudzira. Tichange tichitenga huku dzavo kana chikafu chehuku nemari kwete nechikwereti uye zviri kwavari kana vachida kupinda munyaya dzekurima kwemakondirakiti tichivapa zvekushandisa. Tinoda kusimudzira varimi vemuno tichibatana nemakambani akadai seSeed Co, Farm and City pamwe nemasangano akaita seZimbabwe Commercial Farmers Union neZimbabwe Farmers Union mukudzyidzana kwatichaita nevarimi,” vakadaro.

Vanoti ZFU yakavimbisa kuvabatsira nekutsvaga varimi vakazvipira kupinda mumabhindauko aya avo vachange vachirima kudya kwehuku kwakadai sesoya bhinzi, maringazuva nechibage.

VaEmmanuel Koro avo vaimirira kambani yeConband Private Limited vakati vakazvipira kusimudzira varimi vanopfuya huku munyika.

VaAndrew Mushita vanove chamangwiza wesangano reCommunity Technology Development Organisation vanoti vachange vachishanda nevarimi vadiki muchirongwa ichi.

“Tichatsvaka varimi vanoda kurima kudya kwehuku pamwe kuchengeta huku. Izvi zvichabatsira mukuvandudza mabhizimusi emuno nekutengeserana nedzimwe nyika. Zimbabwe yava nemakore akawanda ichitenga nyama yehuku kubva kune dzimwe nyika dzakadai seSouth Africa neBrazil,” vakadaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru anoona nezvekushambadza kuSeed Co Zimbabwe, VaIvan Craig, vakati kambani yavo yakazvipira kushanda nemakambani aya mukurima chikafu chehuku.

“Chibage cheyero (yellow maize) chirimo munyika muno zvisinei nekuti chishoma asi kana varimi vakawaniswa ruzivo kuti chine misika vanochirima chakawanda.

“Tinoona chirongwa ichi chakakoshera varimi vemuno avo vanosimbochema nyaya dzemisika. Isu seSeed Co tinochitsigira zvakare,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>