‘Dhongi harizi rekurimisa’

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
‘Dhongi harizi rekurimisa’

Kwayedza

RIMWE sangano rinoshanda nevarimi reVoice of Domestic Animals Trust (VODAT) rovakurudzira kuti vabate zvipfuyo zvavo zvakanaka uye rinoti madhongi haazi ekurimisa sezvinoitwa nevamwe asi kuti anogona kushandiswa mune mamwe mabasa epamusha akareruka.

VaDavid Mukunda avo vanove mukuru wesangano iri rinodzidzisa varimi mabatirwo akanaka ezvipfuyo vanoti madhongi anogona kushandiswa mamwe mabasa akaita sekuendeswa kuchigayo, kuchera mvura nezvimwe asi kwete kurimiswa nekuti izvi hazvikodzerane nawo.

“SeVODAT tine chinangwa chekudzidzisa varimi vedu kuti zvipfuyo zvedu zvinofanirwa kuchengetedzwa zvakanaka sekuchengeta kwatinongozviita isu vanhu. Varimi vakaziva kuti madhongi haarimiswe kana kuti imbwa inoda kugezeswawo chokwadi tinogarisana zvakanaka nezvipfuyo izvi kana maberekero azvo anotosanduka nekuti zvinopiwa chikafu nezororo rakakwana,” vakadaro.

“Takatanga boka reVODAT muna 2014 tiri vaviri nemudzimai wangu mushure mekunge tasangana neimbwa yainge yakaraswa. Chidokwa-dokwa chakazokura ndokupinda mumadhongi, mbudzi, mombe nezvimwewo zvipfuyo. Takabva tangotangisa kupa varimi vemunharaunda medu kwaRusape ruzivo rwekuchengeta mhuka dzakadai,” vakadaro.

Vanoti chinangwa chavo kuti varimi vave nechido nezvipfuyo zvavo.

“Mombe ine zera rayo rekuiswa pajoki, ukaibopa risati rasvika inoita nhinhi, inokurumidza kuneta uye ndipo painoita hasha dzekutunga kana kutiza joki. Zvese izvi zvinofanirwa kuzivikanwa nevarimi kuitira kuti pave nehukama pakati pevanhu nemhuka dzavanochengeta,” vakadaro VaMukunda.

Vanoti chishuwo chavo chekuti vape varimi vari kumatunhu ose enyika dzidziso iyi.

“Kutaura kuno tatova nevamiriri mumapurovhinzi anosanganisira Masvingo, Mashonaland East, Mashonaland Central, Midlands neManicaland,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>