Dube: Anorota nechiRungu

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Dube: Anorota nechiRungu Ndumiso Dube nemudzimai wake - Junic Dube - nevana.

Kwayedza

Ndumiso Dube nemudzimai wake - Junic Dube - nevana.

Ndumiso Dube nemudzimai wake – Junic Dube – nevana.

MUSHAMARARI wenhepfenyuro huru pane dzose muZimbabwe, nhepfenyuro inosvika kuruzhinji yeStar FM, Ndumiso “Sky Walker” Dube, anoti vanhu vatema vanofanira kudada nerudzi rwavo pamwe netsika dzavo kwete kuzvitarisira pasi.

“Ini ndiri wemutupo weSamaita Mbizi Manjenjenje Mazvimbakupa, Chihota chaiye azere. Pamakore ndasvika pakati nepakati peanodarika 30 ekuberekwa.

Ndiri muwanano inofadza zvikuru nemudzimai wangu Junic Dube uyo adarikawo makore 30, tiine vana vashanu,” anodaro Sky Walker.

Dube mushamarari ane mukurumbira uye achinyanyozivikanwa nevatereri nezita remadunhurirwa rekuti “The Sky Walker, The only black person who dreams in English”. Munhu mutema kurota nechiRungu mufunge! Anoti anokwanisa kutaura mitauro mipfumbamwe inosanganisira Shona, Ndebele, English, Tonga, Nambya, Kalanga, Nyanja, Venda neChinese iyo yaari kudzidzira.

“Ini chekutanga ndinodada nerudzi rwangu, kudzinde handirase ndiri munhu mutema. Chichipiri, mhuri yangu ndinoida kunyangwe zviome sei. Mbabvu yangu Junic inhamba hwani yangu, tinokwira nekunyura tose kunyangwe zviome sei. Ndiri sound engineer, mudzimai mukoti akadzidzira basa rake,” anodaro. Panyaya yemimhanzi Sky Walker anofarira musambo wesungura nevaimbi vanosanganisira Abdul Ibrahim, Kwela Tebza, Oliver Mtukudzi nevamwewo vekunze. Vabereki vaNdumiso vanoti Mai Rachel Siziba naVaStanley Dube vakashaika kare iye ndokukura ari nherera.

“Ndichikura, ndaifarira zvikuru vashamarari vanosanganisira hanzvadzi yangu, Tete Tilda Moyo-Karizamimba, Brenda Moyo, Erick Knight, Kudzie Marudza, Joe Panganayi Mukaronda (mushakabvu) nevamwe. Ndizvo zvakandipa shungu kusvika pandiri nhasi.

“Ndinofara zvikuru kuti ndave kushanda naTete Tilda.”

Dube, uyo anova gotwe mumhuri yevana vana, anoti vangosara vari vaviri chete nemukoma wake sezvo vamwe vasikana vaviri vaiva vakuru mumba mavo vakashaika. “Segotwe, handina kuwana nguva yekuyemera vabereki sezvo vakafa ndiri mudiki zvikuru. Hanzvadzi dzedu dzakashaika kare dzaiva hombe saka ndasara namukoma wangu. Ini nemhuri yangu tinogara kuManyame Park, kuChitungwiza,” anodaro achinyemwerera.

Anoti anofarira basa rake zvikuru, iro raanoti rinoda hunhu hwakanaka sezvo achidyidzana neveruzhinji.

“Munyaya dzenhabvu, ndiri mutsigiri wechikwata cheHighlanders uyewo ndinotamba bhora remaboozer nechikwata cheEmpire Nest chekuChitungwiza necheStar FM. Pazvikwata zvekunze, ndinotsigira Arsenal.” Dube anoti basa rekuva mushamarari akaritangira kunhepfenyuro yeStar FM. Akapinda zvikoro zvakawanda zvepuraimari nesekondari zvinosanganisira Kudzanayi Primary, kuHighfield, Zhombe Primary, Zhombe Secondary pamwe neTshazi Secondary iri kuFilabusi, kuMatebeleland South. Anoti paanenge akafurwa nemhepo anofarira kutamba snooker uyewo kushanya nemhuri yake kunzvimbo dzinoyevedza dzakaita sekuNyanga

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>