Fodya inokosha Us$509m yakatengeswa

02 Jul, 2015 - 19:07 0 Views
Fodya inokosha Us$509m yakatengeswa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
FODYA yakatengeswa kumisika yose kubva pakavamba mwaka wekutengesa chirimwa ichi kusvika parizvino inokosha US$509 592 738 iine huremu hunoita 172 337 810 kgs. Zvakadaro, gore rapera panguva imwe chete paive patengeswa fodya inokosha US$604 733 024 ichiremawo 190 162 094 kgs.

Fodya iri kuendeswa kumisika yakasiyana inorakidza kuti yava kuita shoma uye kusvika parizvino kwatengeswa mabhero anokwana 2 121 444 kumisika yose.

Panguva imwe chete iyi gore rakapera, mabhero akanga atengeswa aikwana 2 441 731.
Chamangwiza wekambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB), Dr Andrew Matibiri, vanoti mabhero akarambwa kumisika yose kusvika parizvino nekuda kwezvikonzero zvakasiyana anokwana 185 251 kana zvichienzaniswa ne148 358 mwaka wapera.

Zvikonzero zvekurambwa kwefodya iyi zvinosanganisira kunyorova kwayo, kurema zvakadarikidza pamwe nekuve nemarara.
Fodya mwaka uno iri kutengwa nemari inobvira paUS$0,10c kusvika US$4,99 pakg kumisika yeruzhinji, kuchizotiwo kumisika inobatsira varimi nezvekurimisa iri kusvikawo paUS$6,25 pakg.

Mabhero mazhinji ari kuunzwa kumisika iyi anonzi ane huremu hunotangira pamakgs 73 kusvika 85.
Zvakadai, kubva pakatanga mwaka wekutengesa kusvika parizvino, kambani yeTobacco Sales Floor yatengesa fodya ine huremu hunosvika 21 667 216 kgs, Boka Tobacco Floors yatengesawo 13 575 266 kgs kuchizoti Premier Tobacco Floors ikatengesa 9 197 173 kgs.

Dr Matibiri vanoti kushomeka kwave kuita fodya iri kuunzwa nevarimi kumisika yakasiyana chiratidzo chekuti mwaka wekutengesa wave kuenda kumagumo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>