‘Handigare nevana, asi ndinoda $900’

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUDZIMAI wekuenda kudare achiti anoda $913 pamwedzi kubva kune aimbova murume wake yekuchengeta vana vaviri akashaya pekupinda apo chikumbiro chake chakaraswa mushure mekuburitswa kweumboo hunoratidza kuti haasiriye ari kugara nevana ava.

Tracy Dhliwayo akaudza dare reHarare Civil Court kuti anoda kuti Nicholas Ndoro abvise $913 pamwedzi yekuchengeta vana vavo.

“Ndauya kuno nechikumbiro chekuti baba ava vandipewo $913 pamwedzi yekuchengeta vana vedu vaviri. Mari iyi ndeyekutenga zvekudya, zvekupfeka neyechikoro uye zvakakodzera kuti baba ava vandipe mari iyi,” anodaro Dhliwayo. Anoenderera mberi achiti Ndoro ane kambani uye anowana $2 000 pamwedzi saka anokwanisa kubhadhara mari iyi. “Muridzi wekambani, vanowana $2 000 pamwedzi uye mudzimai wavainaye havana mwana vose,” anodaro Dhliwayo.

Ndoro anopikisana nemashoko aya achiti ndiye ari kugara nevana achivaitira zvose zvavanoda. “Changamire, chikumbiro chaamai ava hachina maturo nekuti ini ndini ndinogara nevana iye akavatiza.

Vana ndinovaitira zvose zvavanoda kusvika pakuvaendesa kuchikoro saka handina mari yandinomupa,” anodaro Ndoro.

Dhliwayo anotsinhira kuti Ndoro ndiye anogara nevana vavo. “Ndizvozvo kuti ndiye anogara nevana asi ini ndinoda vana vangu nekuti hazvigone kuti vachengetwe nemumwe mudzimai ini ndiripo,” anodaro Dhliwayo.Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaDhliwayo achiti hazviite kuti apihwe mari yemendenenzi sezvo asiriye ari kugara nevana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>