Hurumende yopa zvekushandisa

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Hurumende yopa zvekushandisa Villagers gather to collect their Presidential inputs during the launch of the programme at Bare shopping centre Mazowe north constituency in Chiweshe yesterday.-Picture by Munyaradzi Chamalimba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
HURUMENDE yakatanga chirongwa chekupa varimi zvekushandisa zvakadai sefeteraiza nembeu pasi pechirongwa cheCommand Agriculture.

Gurukota rinoona nezvekurima nekuvandudzwa kwemichina yemadiridziro, Dr Joseph Made, vanoti zvakakosha kuti varimi vawaniswe zvekushandisa izvi nguva ichiripo kuitira kuti vafambirane nenguva.

Vanoti vanokurudzira vari kuona nezvekugoverwa kwezvekushandisa izvi kuti vafambise chirongwa ichi nekukasika.

“Fetereza iri kupinda munyika muno nokudaro pava neshanduko huru. Asi tinoda zvekushandisa zvakakwana, zvikuru sei kuvarimi vane minda mikuru yechibage nesoya bhinzi vanenge vachida mishonga yekuuraya sora nekukasika,” vanodaro.

“Gore rino, tinofara zvikuru nemvura iri kunaya yakaringana uye tinotarisira kuti icharamba ichinaya zvakanaka kusvika pakupera pemwaka,” vanodaro Dr Made.

Vanoti varimi vasati vadyara havafanire kurasa tariro sezvo pachine nguva huru yekuti vange vachidyara.

“Tinokurudzira varimi kuti varambe vachidyara zvirimwa zvavo nekuti zvirinani kuti vanzi vanonoka kudyara pane kuzotadza zvachose,” vanodaro.

Hurumende yakatanga chirongwa cheCommand Agriculture mwaka wapera nedonzvo rekubatsira varimi nezvekushandisa.

Chirongwa ichi chakabudirira zvikuru izvo zvakaona varimi vachikohwa chibage chinodarika matani 2,7 munyika yose mwaka wadarika chinove chikafu chinokwanirana nekudya kunodiwa pagore.

Pakatanga chirongwa cheCommand Agriculture, varimi vaibatsirwa nezvekushandisa pakurima chibage asi iye zvino chapambira kune zvimwe zvirimwa zvakadai segorosi, soya bhinzi pamwe nekuchikamu chekupfuyiwa kwezvipfuyo zvakasiyana.

Share This:

Sponsored Links