‘Ini ndinongori musvuuganda’

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
‘Ini ndinongori musvuuganda’

Kwayedza

Mathew Masinge
MURUME wekuda kunzvenga kubhadhara mendenenzi achiti haana mari uye ari kutochengetwawo nababa vake akanzi nedare abvise $50 pamwedzi yekuchengeta vana vake vaviri. Phoeby Chimunda akamhan’arira aimbove murume wake Victor Gatawa kudare reHarare Civil Court achida kuti apiwe $40 yemendenenzi pavana vake vaviri vaakaita naye.

“Ini handina kana neremuromo nababa ivava nekuti pazvaive zvakanaka vaitiitira zvose nevana pasina kana kunetsana. Zvakatanga mazuva avakangotanga kuita sevava kuwana tumari turi nani kubasa kwavo, ndipo pavakaita imwe imba nerimwe zigadzi. Izvezvi nhasi onditi haachakwanisa kuti vana vake vadye nekuti ari kufurirwa nezigadzi rake kunzi asatipe kana dhora zvaro. Mari yemusika yandinowana haikwane kana chinhu,” akadaro.

Gatawa akaudza dare kuti haakwanise kubhadhara mari iyi sezvo asiri kushanda. “Changamire wangu, handidi kurevera dare rino nhema ndichiti ndichazowana kupi dhora zvaro nekuti handisi kushanda pari zvino. Ndiri musvuu chaiye pari zvino.
‘‘Mari yavari kuda handitoiwane, $20 chaiyo atori makata kuiwana,” akadaro.

Paakabvunzwa nedare kuti mhuri yaanayo iri kurarama sei, Gatawa akati ari kutochengetwawo nababa vake. “Kutaura kuno ndiri kutochengetwawo nababa vangu nekuti ndakadzoka pamba pavo nemhuri yangu yose mushure mekunge upenyu hwaoma kunze uku.

“Zvinhu zvakandiomerawo mabasa haachawanike kunesu vasina chikoro, ndaikumbirisawo kuti dare rino rindinzwewo kuchema kwangu,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Gatawa abvise $50 yekuchengeta vana vake kutanga musi wa31 Gunyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>