Ityai Mwari: Marowa-Ziwenga

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Ityai Mwari: Marowa-Ziwenga

Kwayedza

Malven Mugadzikwa—

MUIMBI ane mukurumbira munziyo dzechitendero, Pastor Olinda Marowa-Ziwenga, vanoti zvakakosha kuti vanhu vatsungirire pazvimhingamipinyi zvavanosangana nazvo muhupenyu pamwe nekuti vatye Mwari pane zvose.

Pastor Marowa-Ziwenga vakataura mashoko aya nguva yadarika mushure mekuparura dambarefu ravo idzva rinonzi Moyo Wangu iro rine nziyo gumi.

Vanoti vari kutarisira kubuditsa DVD redambarefu iri nguva pfupi iri kutevera iro richange riine mavhidhiyo edzimwe nziyo dzavakatsikisa kare.

“Dambarefu redu idzva iri rine dingindira rechitendero rekukurudzira vanhu kuti vararame mukutenda nekuda Mwari, vaite sekuda kwaMwari uye vave nemwoyo wakanaka. Mashoko ari munziyo dzacho akati dzamei kudarika dzimwe dzatakaparura kare uye dzakanyorwa panyatsoitwa tsvagurudzo maererano neshoko raMwari,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chinangwa chikuru ndechekuti vateereri pavanonzwa nziyo idzi vadzamise mwoyo yavo mukutenda mushoko raMwari. Nziyo zhinji dziri padambarefu iri dziri pamusoro pezvinoitika muhupenyu hwevanhu.”

Padambarefu idzva iri pane kambo kanonzi Mukati Mehupenyu ako Pastor Marowa-Ziwenga vanoti kane dzidziso yakanyanya maringe nehupenyu hwevakawanda.

“Kambo aka kanotsanangura kuti pane zvakawanda zvinoitika muhupenyu zvakaipa asi kutenda kwemunhu kuti zvakanaka zvichauya mune ramangwana ndiko kunoita kuti arambe achirarama panyika. Kanodzidzisa vateereri kuti chero zvikaoma sei kushinga ndiko kunoita kuti pakupedzisira tizowana cheuviri. Pane dzidziso yekuti simba raMwari rinoita kuti tiwane zvose zvatinoshuvira,” vanodaro.

Vanoti padambarefu ravo idzva iri vakabatanawo naBethany Pasinawako-Ngolomi pakambo kanonzi Vimba naJesu.

“Ndakabatana naBethany nekuti anondiimbira zvinondifadza zvekuti ndakaona kuti tikabatana pakambo aka kanobuda zvakanaka. Takatanga kushanda tose zvakanyanya pandakaparura dambarefu rangu rechipiri nekuti munhu anoshandika naye zvakanaka uye tinonzwanana mukushanda kwedu,” vanodaro.

Dzimwe nziyo dziri padambarefu idzva raPastor Marowa-Ziwenga dzinosanganisira Jacob, Hossana, Mwari Ndimi naMoyo Wangu.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>