‘Ivai neruzivo rwemashandisirwo emishonga’

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
‘Ivai neruzivo rwemashandisirwo emishonga’

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU) rokurudzira varimi kuti vave neruzivo rwakazara rwemashandisirwo emishonga yezvirimwa zvakasiyana, kusanganisira yekuuraya sora.

Mukuru weZCFU, VaWonder Chabikwa, vanoti kune vamwe varimi vasina ruzivo rwakadzama pamusoro pekushandiswa kwemishonga inouraya sora avo vanopedzisira vakanganisa zvirimwa zvavo.

Vanoti parizvino mvura iri kunaya yakawanda izvowo zvinoita kuti sora rikure zvakanyanya muzvirimwa nekudaro rinoda kusakurwa kana kufiritwa nemishonga yakasiyana.

“Nguva ino mvura iri kunaya yakawanda zvikuru saka tinokurudzira varimi vedu kuti vasakurire zvirimwa zvavo nekushandisawo makaruvheta kuti zviite nyore kubvisa bundo muminda yavo.

“Kune vamwewo vanoda kushandisa mishonga yekuuraya sora muzvirimwa zvavo zvakasiyana izvo tinoda kuti vatsvage ruzivo ruzere pamusoro pemashandisirwo ayo,” vanodaro.

VaChabikwa vanoti kana zvirimwa zvisina kusakurirwa zvinotsvuka uyewo fetereza haishande zvakanaka sezvo ichitorwa simba nesora iri.

“Zvirimwa zvakafananawo nevanhu kana nedzimwe mhuka dzose dzinofema nekuti munhu kana achirwara kunyangwe akadya sei haasimbe, saka tikabvisa sora muzvirimwa zvedu tinoona kuti zvinoita zvakanaka tova nechokwadi chekuti goho redu rinokwirira kana mvura ikaramba ichinaya sezvairi kuita izvi,” vanodaro.

Vanoti kune vamwe varimi vanongosakura kamwe chete vosiya zvirimwa zvavo zvakadaro zvinova zvisina pundutso sezvo zvichifanirwa kusakurwa kaviri kana kudarika zvichiendera nekuti mumunda munenge muine sora rakamira sei.

VaChabikwa vanoti zvakakosha kuti varimi vashande nevarimisi kana kuti madhomeni emumatunhu avo kuti vave neruzivo rwakazara rwemashandisirwo emishonga  inouraya sora kana yezvimwe zvirimwa.

“Kushandisa mishonga yekuuraya sora idanho guru kuvarimi vazhinji zvinoita kuti kurima kureruke.

“Pane mishonga inoita zvekumwaiwa muminda musati madyarwa neinoiswa muzvirimwa zvabuda izvo zvinoda chete kuiswa paine nyanzvi dzezvemishonga iyi nevarimisi,” vanodaro VaChabikwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hatidi kuti varimi vedu vazorasikirwa nezvirimwa zvavo zvapera kupiswa nemishonga iyi vaisa zvisizvo.

“Varimi, ngatishandei nenyanzvi dzedu dzatinogara nadzo mazuva ose uyewo tisakanganwe kuramba tichiisa fetereza – zvikuru yekuberekesa muzvirimwa zvedu nekuwanda kuri kuita mvura mumatunhu atinogara,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links