‘Koshesai Zunde raMambo’

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
‘Koshesai Zunde raMambo’

Kwayedza

MATUNHU akasiyana akakurudzirwa kuti akoshese chirongwa cheZunde raMambo icho vanhu vanorima zvirimwa zvinozoiswa mudura ramambo zvekubatsira nherera pamwe nevamwe vanotambura.

Kurudziro iyi yakaitwa naMambo Zimunya, VaKiben Bvirindi (54), vekuManicaland vachiti chirongwa ichi chiri kubatsira mukuwaniswa kwezvekudya kune vanoshaya mudunhu ravo kwemakore anodarika gumi apfuura.

“Samambo wedunhu rino ndakaona zvakakodzera kuti timutsiridze chirongwa ichi izvo takatanga mugore ra2003. Zvirimwa izvi zvinobatsira vanhu vakaita senherera, vanoshaya kana avo vanenge vasina kukohwa zvakanaka nekuda kwekusanaya kwemvura zvakaringana. Segore rino, muno vanhu havana kukohwa zvakanaka saka dura redu rezvirimwa zvinobva muminda iyi zvinomirira kubatsira vanhu vakadaro,” vakadaro Mambo Zimunya.

Munda wezunde ramambo uyu vanoti wakatandavara mahekita anosvika gumi.

“Tinorima zvirimwa zvinosanganisa chibage, mapfunde, mhunga, rukweza, nzungu nebhinzi zvichisiyana mwaka nemwaka. Segore rino, takangorima mahekita mashanu chete echibage, nzungu nerukweza,” vakdaro.

Zvekushandisa muminda iyi zvakaita sefetereza nembeu vanoti zvinobva kuHurumende.

“Vanhu vanoita nhimbe pakudyara pamwe chete nekusakura zvinova zvisingarwadze uye kudya kunopihwa vanhu misi yavanouya kuminda kuzoshanda kunobva mumasabhuku edu,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links