Kubatana kune simba: Mundhluri

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

MUIMBI wenziyo dzechitendero, Zet Mundhluri, anoti zvakakosha kuti vaimbi vabatane mukutsikisa nziyo nedonzvo rekusimudzirana.

Mundhluri akataura mashoko aya nguva yadarika mushure mekubuditsa kambo kake katsva kanonzi ‘Handikusiye’ ako akatsikisa akabatana naCasey Madzivire-Sekiwa.

Madzivire- Sekiwa – uyo anoimbawo nziyo dzechitendero – akamboimba nechikwata cheZimpraise.

Mundhluri akabva kubuditsawo zvakare DVD rake idzva rine nziyo kubva mumadambarefu akasiyana-siyana aakaimba kare.

Muhurukuro neKwayedza, Mundhluri anoti gore rino anotarisira kubuditsa nziyo dzakawanda akabatana nevaimbi vakasiyana senzira yekuvandudza basa rake pamwe nekusimudzawo vamwe vaimbi.

“Chinangwa chikuru chekubatana nevamwe vaimbi ndechekusimudzira chipo chiri mandiri nevamwe vandinenge ndabatana navo. Gore rino, ndakarirongera kuti ndinofanira kuimba nziyo dzakawanda dzakasiyana ndichibatana nevamwe vaimbi.

“Pakambo aka kachangobuda ndakaona kuti naCasey takagadzira hukama hwakanaka kusvika pakuti tikwanise kutsikisa kambo tose. Ndiri kuona simba rekubatana kwatakaita kuburikidza nekufarirwa kwakari kuitwa nevatsigiri pamwe chete nevenhepfenyuro dzekuSouth Africa nemuZimbabwe,” anodaro.

Mundhluri anoenderera mberi achiti, “Kambo kanonzi Handikusiye kanotaura pamusoro pevimbiso yaMwari kuvanhu vake yekuti haavasiye chero munguva yakaoma.

“Kambo kanokurudzira vanamati kuti varambe vakabatirira muvimbiso yaMwari  vachinamata. Dingindira renziyo dzangu ndere kutendeutsa veruzhinji kuti vazive kunamata Mwari uye varambe vachishinga mukunamata.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>