Kudyarwa kwemiti kwotekeshera

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Kudyarwa kwemiti  kwotekeshera

Kwayedza

RIMWE sangano rakazvimirira roshanda nemadzishe, vemachechi, makambani anotengesa fodya pamwe nemapoka akasiyana mukuvandudza masango kuburikidza nekudyara miti kumativi mana enyika.

Climate Smart Trust, isangano riri kutenderera nenyika yose richikurudzira kuchengetedzwa kwakanaka kwemasango. Sachigaro wesango iri, VaDidymus Machiri, vanoti chirongwa ichi chiri kufambaira mberi zvakanaka zvikuru.

“Tiri kushanda zvakare nenyanzvi dzekuchengetedzwa kwezviwanikwa dzekuchikoro chedu chikuru cheUniversity of Zimbabwe uko takaendesa vanamati vechechi yeZviratidzo Zvevapositori vekuChitungwiza vanokwana 300 vakanoita zvidzidzo zvekuchengetedza zviwanikwa ndokuzopihwa zvitupa,” vakadaro VaMachiri.

Vanoti vanotenda zvikuru Dr Emmanuel Mashonjowa vekuUZ avo vakabatsira nekudzidziswa kwevanamati ava pamusoro pekuchengetedzwa kwezviwanikwa. VaMachiri vanoti vari kushandawo nemakambani anotengesa fodya muchirongwa ichi.

“Sangano reUnicef tinaro zvakare muhondo yekuvandudza masango iyi nemamwewo anoona nezvekurima. Muchirongwa ichi, hatisi kusarudza machechi kunyangwe zvedu takatanga nemapositori vakaita saivava veZviratidzo, Johane Marange, Johane Masowe neZion,” vakadaro.

VaMachiri vanoti vari kushandawo nemakanzuru nemadzishe sezvo varivo varidzi venzvimbo vanovawaniswa minda yekudyara miti.

“Izvozvi chechi yeZviratidzo yakakumbira munda wakatandavara mahekita gumi kuti vawane pekunamatira nekudyarawo miti kwaSeke sezvo dunhu reChitungwiza richizivikanwa nekuva gwenga,” vakadaro VaMachiri.

Vanoti vanotarisira kudyara miti inokwana miriyoni pagore roga-roga kutangisa muna 2015 pasi pechirongwa ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>